Zuva iro Santa Claus anouya kupurazi

Evans S. Zininga
SEMUNHU agara munzvimbo dzemapurazi kwenguva yakareba ndinozivawo zvinhu zvinoitika gore negore. Chimwe chinhu chandisingakwanise kuti chidarike ndisina kutaura nezvacho izuva reKisimusi pamwe negoredzva.

Kusiyana nevamwe vashandi vose vanoshanda kwakasiyana, vashandi vemumapurazi vakawanda havawane zororo panguva iyi.

Makambani akawanda anenge akavhara pazororo reKisimusi musi waZvita 25 uyezve vanhu vanenge vachifara, kudya nekunwa.

Ndakakurira papurazi apo pakange paine zvose kusanganisira mabhiza, midhudhudhu nepfuti uye Santa Claus aiuya gore roga-roga kudzimba mbiri chete idzo dzaive dzasapurazi asi asingaende kwaigara vashandi nemhuri dzavo uko kwaaidiwa zvakanyanya.

Baba vangu vaive murimi wefodya, sekuru vangu vari mupfuyi wemombe dzemukaka, ini ndiri mazvikokota mune zvekurima (horticulturist).

Nguva yose yezororo ndinenge ndiri kupurazi remhuri yedu kuChivhu uko kwandinenge ndichiona mafambiro ebasa anosanganisira kuti mombe dzemukaka nehuku zvapihwa zvekudya here.

Panguva iyi ini nemhuri yangu tinenge takazorora asi vashandi vepapurazi vanenge vari pabasa.

Zvakadaro, kunyangwe pazuva reKisimusi mombe dzemukaka dzinofanira kukamiwa, huku dzopihwa zvekudya uye mbesa dzefodya dzodiridzwa.

Iri ibasa rinoitwa nevashandi papurazi ratinofanira kuvatenda naro.

Tinokwanisa kuti vashandi vanzwewo kusununguka pazuva reKisimusi kana Santa Claus akadarika nekudzimba dzavo.

Zvakakosha zvakare kuona kuti pamazuva ezororo akadai vashandi vanenge vasina basa rakawanda rekuita.

Mudzimai wangu akapa vashandi vedu fetereza yekuti vatakure kunorimisa kumisha yavo uye zvipo zvakadai zvichagara mundangariro dzavo pane kuvatengera nyama nedoro.

Santa Clause ari kuuya kudzimba dzevashandi vangu gore rino, tinofanira kuyeuka basa rakanaka rinoitwa nevashandi vedu.

Evans Zininga ndimazvikokota munyaya dzekurima pamwe namanaging director weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhamba dzinoti (04) 668773 kana padandemutande rinoti [email protected].

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×