Zvairwadza vatema

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichapedzisa mhinduro yemubvunzo wemadingindira watakatanga svondo rapfuura.

Humwe hudzvanyiriri hwaiitwa nevachena ndehwekuti vaibhadharisa munhu mutema mitero yakawandisa uye inobatirira. Vanhu vatema vaiterera mari yekuchengeta mombe uye kufambiswa nemapepa emutero pamwe nezvitupa pese pavari. Chimwe chainyanya kubata vatema ndechekuti vaisatenderwa kuchengeta mombe dzinofpuura gumi.

Vanhu vatema vaisabvumidzwazve kuti vaberekane vachiwanda.

Rimwe dingindira riri muna Gona ReChimurenga nderekutyorwa kwekodzero dzevanhu. Tinozviona panomhanyiswa mai vakanga vatengesa vanaMasango kumabhunu kuti vanobatwa naShamwariyeropa votanga kurohwa zvakaomarara negaro repfuti. Vanozonunurwa naMabhunu apo vanenge vachingogomera nekurohwa. MaSelous Scouts nemadzakutsaku anonzi aigara achityora kodzero dzevanhu.

Zvinonzi vaiti vakasvika kumaruzevha, vaisiya varova vanhu kana kuvauraya ndokunge varamba kuita zvavaida zvakaita sekusavaudza kwaive nemagandanga kana kuvabikira chikafu. MaSelous Scouts vanonzi vaibata vanasikana chibharo vosiya zvakadaro. Vanabhasibhoi vaitorwawo nemagandanga vachinorohwa sezvakaitwa uya anobatwa nanaMasango papurazi ravanoona vachienda kuMacheke vosiya vamurova chaizvo. Kuuraiwa kuitwa murume uya panounganidzwa vanhu maRota kwaive kumwe kwemhando yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Matambudziko anowira magandanga idingindirazve rinowanikwa muna Gona ReChimurenga.

Tinoona kuti dzimwe nguva magandanga aitambura zvikuru nenzara sezvinoita vanaShamwariyeropa pavanozosvika pakuenda kunonetsana nemaGuard Force shungu dzavo dziri dzekuti vawane chekudya. Vairohwa zvakaomarara munguva yehondo. Tinoona panorohwa Shamwariyeropa nemuchena waairwa naye zvekuti akanga oda kutouraiwa ndokuzonunurwa nevamwe vake.

Svondo rinouya tichatanga kuongorora matambudziko anowira magandanga aive varwi vehondo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *