Seed Co yoshaina kuLowveld

Bright Musakanda

AIVA makuwerere kuLowveld Agricultural Show, kuChiredzi nemusi wa30 na31 Nyamavhuvhu. Nyanzvi dzekurima nevemakambani anoshanda nevarimi vakokoromoka vachinopemberera nekukwikwidzana pashoo yehurudza iyi.

Makwikwi aya akarongwa neLowveld Show Society, Agritex pamwe chete nevarimi.

VaMurindagomo, avo vanova Lowveld Show Society administrator vakatenda vemakambani pamwe chete nevarimi vakauya kuzotsigira nekukwikwidza pashoo iyi.

Muenzi mukuru pagungano iri aiva VaMajatame, mukuru weChiredzi Rural District Council, avo vakakurudzira varimi kuti varambe vachiuya kushoo nekuti ndizvo zvinopa shungu kuburikidza nekuona mbeu dzinenge dzakarimwa nevamwe uye kupanana ruzivo panhau dzekurima.

Seed Co ndiyo yakasimudza mukombe pamakwikwi emakambani anoita zvekuuchika mbeu. VaBright Musakanda (Seed Co sales agronomists) vakakurudzira varimi kuti varime mbeu dzeSeed Co dzakaita seSC 301, SC 403, SC 513 kana SC 529 kudunhu reChiredzi nekuti dzinoshingirira muzuva uye dzichikurumidza kuibva.

l Bright Musakanda murimisi we Seed Co kuMasvingo uye anobatika pa0777 306 020 kana 0713 306 020.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *