Zvaisangana nevarwi

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichatanga kuongorora matambudziko anowira varwi vehondo yeChimurenga. Dambudziko chinhu chese chinoitirwa munhu chinomurwadza kunyanya panguva yaanenge achitarisira kuenderera mberi neupenyu. Tichaita ongororo yematambudziko tichishandisa mubvunzo unotevera;

Tsanangura matambudziko masere anowira magandanga munguva yehondo kubva mubhuku Gona reChimurenga.

Pari zvino tichatarisa mamwe ematambudziko aiwira magandanga muhondo. Apa hapasi kudiwa matambudziko aiwira mutambi wese anowanikwa mubhuku. Unofanira kutarisa zviri kudiwa nemubvunzo usati watanga kupindura. Zvinokosha kuti uzive kuti aimbonzi gandanga wacho ndiani uye ndezvipi zvimhingamupinyi zvaakasangana nazvo. Magandanga anosangana nematambudziko ekuuraiwa. Izvi tinozviona panouraiwa Tapera negrenade mushure mekunge raputikira pedyo naye. Shamwariyeropa naMasango vanouraiwawo muhondo mushure mekunge vabaiwa nevachena muhondo yavairwa vari kwaRota.

Vanhu vairwa hondo vanosangana nematambudziko ekubaiwa neminzwa. Izvi tinozviona panobaiwa Mabhunu pabendekete neminzwa mushure mekunge pfuti dzarira. Anozoita zvekukaruka atove muvhu kare asi anodonhera muminzwa zvinoita kuti abaiwe pabendekete.

Magandanga anosangana nematambudziko ekuneta. Izvi tinozviona mushure mekunge Muchapera afa, apo Mabhunu anenge arwa hondo zvekuti anosvika pakudonha nekuneta. Muviri wake wese anoti ainzwa kuneta zvekuti akazobatwa naMasango.

Varwi vehondo yerusununguko vanosangana nematambudziko enyota. Zvinobuda apo Mabhunu anotadza kuburitsa izwi kuti anzwikwe nekuda kwenyota yakanga yakamubata. Zvinoitika mushure mekunge Mabhunu arwa hondo nevachena inove inosiya Tapera afa.

Magandanga anosangana nematambudziko ekurohwa. Izvi tinozviona panorwisana Shamwariyeropa nekamurungu pedyo nenzira yaifamba nevarungu ava. Shamwariyeropa akarohwa akatanga kubuda ropa mumhuno nemunzeve nemurungu uyu kusvika azonunurwa nevamwe vake.

Varwi vehondo vanosangana nematambudziko ekupiswa nemoto muviri wose. Izvi tinozviona panotsva Masango, Mabhunu naShamwariyeropa mushure mekunge vatsva nemoto wakanga vatanga kubvira pavairwisana nevachena.

Magandanga anowirwa nematambudziko ekurwiswa nemhuka dzesango. Izvi tinozviona panenge pakarara vanaMasango, Shamwariyeropa naMabhunu pavanosvikirwa neshumba dzaidzvova. Tinonzwa kuti shumba idzi dzakatanga kumhanya dzichienda kuna Shamwariyeropa ndokubva vatanga kubatsirana kudzirwisa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×