Zvakabuda pabvunzo dzeO-level zvaveko

Abigail Mawonde
ZVAKANYORWA nevadzidzi mubvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzeO-Level mumwedzi waChikumi gore rino zvakabuda uye vakuru vezvikoro vanokwanisa kunozvitora kutanga nemusi weChitatu chino.
Sachigaro vebhodhi reZimsec, Professor Eddie Mwenje, vakazivisa nezvekubuda kwezvakanyora mubvunzo idzi.
“Bhodhi reZimbabwe School Examinations Council nevatungamiriri vanozivisa kuti zvakanyorwa mubvunzo dzeZimsec O-Level dzaChikumi 2018 zvakabuda,” vanodaro.
“Vakuru vezvikoro vanokwanisa kunotora zvakabuda izvi kumahofisi eZimsec ari kumatunhu avo kutanga nemusi weChitatu.” Prof Mwenje vanoti huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo idzi hwakawedzera gore rino kana zvichienzaniswa neradarika.
“Vadzidzi vanosvika 141 246 vakanyora bvunzo idzi muzvidzidzo zvinobvira pachimwe chete kusvika 10 kana zvichienzaniswa ne78 655 vemuna Chikumi 2017,” vanodaro. Kubva pavadzidzi 141 246 vakanyoresa, 136 ndeavo vanoda rubatsiro (special needs candidates). Huwandu hwevadzidzi vose hwakawedzera ne75 866 chinove chikamu che79,58 percent.”
Zimsec inoti vadzidzi 17 232 vakanyora bvunzo idzi ndeavo vanofunda mazuva ose muzvikoro kuchiti 124 014 ndevakazvimirira.
Prof Mwenje vanotiwo huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzezvidzidzo zvinodarika zvishanu hwakawedzerawo.
“Huwandu hwevakanyora zvidzidzo zvishanu kana kudarika hwaive 10 974 chinove chikamu che7,77 percent chevadzidzi vose apowo 130 272 (92,23 percent vakanyora zvidzidzo zvina zvichidzika.
“MunaChikumi 2017, huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzezvidzidzo zvishanu kana kudarika hwaive 3 045 chinove chikamu che3,89 percent chevadzidzi vose vaive 78 655,” vanodaro.
Zvisinei, Prof Mwenje havana kukwanisa kutaura kuti vadzidzi vakanyora bvunzo dzegore rino vakapasa zvakadini.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *