Zvakakosha kushanyira sitendi yeNAC kuZITF

Tadiwa Nyatanga-Pfupa
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rinoshanda zviri pamutemo kuti ringe richishanda mumabasa akasiyana ekurwisa utachiona hweHIV uye richange richiratidzira mamwe acho pachirongwa che59th Edition of the Zimbabwe International Trade Fair chichatirwa kuBulawayo kubva nomusi wa24-28 Kubvumbi pasi pedingindira rinoti “Mahindasitiri anoendeka uye anokwikwidza pamwe chete”.

Mauto eZimbabwe National Army vachiwaniswa ruzivo pasitendi yeNAC.

NAC ichatora mukana uyu kuratidzira mabasa ayakaita mukurwisa HIV mumakore adarika. Mamwe emabasa aya anosanganisira kurapa, kutsigirwa, kuenzaniswa kwemikana mumabasa nerutsigiro rwemari. Vashandi veNAC vachange vachibvisa dzimwe pfungwa dziri muvanhu maringe neHIV.

Vechidiki vane makore anobvira pa10-24 okuberekwa vanotorwa sevanhu vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV kana zvichienzaniswa nevechikuru.

NAC inokoshesa zvizvarwa zvese zvevechidiki nokudaro ichange iine mupanda uchange wakamiririra kubatsira vechidiki. Pamupanda uyu, vechidiki vachange vachiwaniswa mukana wekuvhenekwa utachiona hweHIV, hurukuro, kutorwa kwemavhidhiyo nezvimwe zvakawanda kuti vawane ruzivo rwekuenda narwo kumba.

Zvakakosha kuti vechidiki vese vange vachishanyira sitendi yeNAC kuti vawane mashoko anovabatsira muupenyu hwavo.
Madzimai echidiki nevanasikana vachawana zvakare mashoko anovabatsira kuti vange vachisimukira muupenyu hwavo kuti varambe nyaya dzekupinda pabonde vasati vayaruka uye kuti vange vachiziva nezvenyaya dzedziviriro kubva kuzvirwere zvepabonde.

Kunyangwe vana vachiri mudzidzo yepuraimari vanofanira kushanyira masitendi eNAC nekuti ane dzidziso yavo.
Shanyirai sitendi yeNAC muwaniswe rubatsiro rwunotevera: kuvhenekwa HIV, kupangwa mazano, kuvhenekwa chirwere cherurindi, gomarara, Bp nezvimwe zvakawanda. Tichapa zvakare mashoko maringe nenyaya dzekudya kune utano kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV, kudzivirirwa kweutachiona hweHIV kubva kuvabereki huchienda kumwana nekuwaniswa kwemishonga yemaARVs.

Zvirongwa zvekuratidzira izvi zvakakosha zvikuru kuNAC mukupa mukana wekuti tinge tichikurukura nemakasitoma edu. Tichange tichiwanikwa panzvimbo dzese dzinowanikwa veruzhinji dzakadai sekuAgriculturel Show nezvimwe zviitiko. VaRaymond Yekeye vanova Operations Director vanoti sangano ravo richange richiratidzira nekuti rine chinangwa chekuchengetedza upenyu.

“Kuhwinwa kwemibairo kuchange kuripo asi chinangwa chedu kuZITF gore rino ndechekuti tiwaniswe mashoko nezvekushandisa senzira yekuderedza ndufu dzemadzimai nevana nekuda kweHIV, rurindi, gomarara nezvimwe zvirwere.
Zimbabwe, sedzimwe nyika, yakapinda muchirongwa cheFast Track Strategy chine donzvo rekupedza AIDS muna2030.

Nokudaro vanhu vese vanokurudzirwa kushanyira sitendi yeNAC gore rino kuti vawane mashoko matsva maringe neHIV, AIDS nezvimwe zvirwere zvinodyidzana neutachiona uhwu. Tichange tichipa mibairo yakasiyana.

Sitendi yeNAC ichange iri paCIH Pavillion, Inkonkoni Drive neThomas Meikle Boulevard kunhandare yeZITF.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×