Zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze nharaunda dzavo

Phillipa Chinhoi-Mukome
BAZI rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze nharaunda dzavo nekutora matanho anodzivirira kushanduka kwemamiriro ekunze ayo anokanganisawo manairo emvura zvichizokonzera nzara kana kuti mafashamu.

Mashoko aya akataurwa naVaTatenda Mutasa vanove Climate Change Scientist, Mitigation, Research and Publicity kubazi iri nguva pfupi yadarika pamusangano wakaitwa muHarare nguva pfupi yadarika uyo waive wakananga kutsvaga nzira dzekurwisa kushanduka kwemamiriro ekunze.

Vanoti zvimwe zviri kukonzera kusanduka kwemamiriro ekunze kupisa masango nemarara zvisina tsarukano zvinoita kuti hutsi huende muchadenga.

“Kana mamiriro ekunze akashanduka zvinozokonzeresa kuti pave neshanduko mumanairo anoita mvura apo inogona kunaya iri shoma kana kuti yakawandisa pozoita mafashamu,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze nharaunda dzavo nekusangopisa marara nemasango zvisina tsarukano.

VaMutasa vanoti kusanduka kwemamiriro ekunze kunokonzerawo mamwe matambudziko zvakare akadai sekunyuka kwezvirwere zvakasiyana muvanhu nemuzvipfuyo.

Bazi ravo, vanodaro VaMutasa, riri kushanda nesimba mukushambadza mashoko kune veruzhinji kuti vatore matanho ekurwisa kusanduka kwemamiriro ekunze.

Vanoti Zimbabwe iri kuzadzikisa zviri muchibvumirano cheParis Agreement chakaitwa mugore ra2015 chekuti nyika dzitore matanho ose akakodzera mukurwisa zvinokonzera kushanduka kwemamiriro ekunze.

Pasi pechibvumirano ichi, nyika dzinofanira kuderedza chiutsi chinoenda muchadenga kubva mukutsva kwezvinhu zvakasiyana nechikamu che30 percent panosvika gore ra2030.

Mwaka uno, munyika muno mvura haizi kunaya zvakanaka kune mamwe matunhu enyika akadai sekuMasvingo zvakonzera kuti zvirimwa zvakaita sechibage zvisvike pakutsva nezuva uye izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×