Abel Ndooka
MUTAMBI wenhabvu ane mukurumbira munyika muno — Hardlife “Nairobi” Zvirekwi — ari kunyunyuta zvakanyanya kuti gore rino arasikirwa nezvakawanda nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo kusvika pari zvino hapana chikwata chati chamutora.
Pakapera mwaka wenhabvu wegore radarika, kondirakiti yaZvirekwi kuCAPS United iyo aitambira kwemakore akawanda yakabva yaperawo.
Muchinda uyu ange ari pakati pekuita hurukuro nechikwata ichi kuti apihwe imwe kondirakiti asi zvose zvakabva zvaenda mudondo nekuuya kwakaita Covid-19 zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa mitambo pasi rose senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.
Muhurukuro neKwayedza, Zvirekwi anoti iye zvino ari kuita gadziriro dzake ari ega kumba sezvo asina chikwata chati chamutenga izvo zvaomesa hupenyu hwake.
“Munoziva kana usina chikwata chaunacho fanike nguva dzino dzatiri zvinhu zvinombooma nekuti vamwe kuzvikwata zvavo vanenge vachiwana tumari uye nezvimwe zvinhu zvekumbovayamura apo zvinhu zvakaoma. Manje ini ndakagara kumba ndinenge ndakutofanira kutomhanya-mhanya kuita madhiri ndichibatanidza kuti ndiwane cheuviri.
“Ndikasatodaro zvinhu hazvifambe zvakanaka apa mhuri inenge ichida kudya kumba,” anodaro Zvirekwi.
Mutambi uyu, uyo gore ra2016 akahwina mubairo weSoccer Star of the Year apo Kepe-kepe yakahwinawo mukombe wePremier Soccer League (PSL), gore rinotevera anenge ave kusvitsa makore 34 ekuberekwa.
Anoti zvakakosha kuti agare achitamba nhabvu sezvo makore ekusendeka shangu dzake ave pedyo nekusvika.
Zvirekwi anoti kusatamba kwaaita nhabvu gore rino inguva yaatorasikirwa nayo isisachadzoke.
“Vatambi vakaita seni tave kusvika pamakore ekusendeka shangu dzedu dzekutamba nhabvu saka gore rino tarasikirwa zvikuru.
Gore rinotevera, ndichange ndave nemakore 34 uye hapana anoziva kuti gore rinotevera racho nhabvu inotanga kutambwa rinhi.
“Saka iye zvino ndipo ndave kutotanga kutoronga remangwana rangu kuti ndoda kuzoita sei.
“Asi gore rino ini hangu ndarasikirwa zvikuru, Covid-19 iyi yatiparira,” anodaro Zvirekwi.
Nguva yadarika, Zvirekwi akatanga kuita zvidzidzo zvekurairidza nhabvu unove mucherechedzo wekuti muchinda uyu ave kuronga remangwana rake.
Anoti ari kuita zvidzidzo zvekurairidza nhabvu asi haazive kuti kana akazoregedza kutamba mutambo uyu ndizvo zvichazomuraramisa here muhupenyu hwake.
“Remangwana rangu handisati ndanyatsoziva kuti ndoda kuzoita sei asi chandinoziva ndechekuti munhu unofanira kugara wakagadzirira uye une chinangwa muhupenyu hwako.
“Ukasarongeka mangwana zvinogona kuzokuomera,” anodaro Zvirekwi.




