Zvange zvisiri nyore: Soma . . . madambarefu 26 pamakore 38

Prince Mushawevato

MUIMBI wemusambo wesungura, Somandla “Mafia” Ndebele, anoti rwendo rwaafamba kwemakore 38 adarika apo akapinda mune zvemimhanzi, akabura madambarefu 26 nedzimwe nziyo, rwakange rwusiri nyore.

Dambarefu rake richangoburwa, “Atove Mazambuko”, iro rine nziyo nomwe, riri kufarirwa chaizvo.

Maimbiro aakaita apa anoburitsa pachena unyanzvi hwake muprotest sungura, izvo zinoratidza kukura kwaaita semuimbi.

Mafia, uyo anozivikanwa zvakare saBaba Paddy kana kungoti Soma, anoti akatanga asina midziyo yekuridzisa.

“Rwendo urwu rwange rwuchirwadza, kusvika pari zvino, kubva pakuita ma’auditions’ kuma 1980 nekuzoshanda nesimba kuti tirambe tichienderera mberi pasina kana gitare rimwe chete kana maikorofoni, tisingarevi zvekufambisa,” anodaro Soma.

“Zvakange zvakaoma zvekuti ndakatozorwa semvumba kuti ndisvike pandiri pari zvino uye ndichiri kurwisa. Takarega kuita mari nekuburitsa madambarefu kare kare nekuda kwepairesi.

“Dzimwe nguva ndinozvibvunza kuti kana ndakatarisana nematambudziko semutungamiri webhendi ane ruzivo, chii chinoitika kuvaimbi vari kusimukira nedzimwewo nhengo dzebhendi?”

Zvakadaro, basa remuimbi uyu rakamutsiridzwa nguva pfupi yadarika nekuda kwekubatana kwaakaita neshasha yesungura — Alick “Baba Sharo” Macheso —  pamashoo.

Kushanda kwavo pamwe chete kuri kufadza, kunyanya apo vanoimba nziyo dzinoti “Masimba aMwari” na“Moyo Wekurera”, idzo dzakamboimbwa naSoma aina mushakabvu Tongai “Dhewa” Moyo.

“Baba Sharo, kunze kwekuve shamwari yangu, munhu wandinoyemura chaizvo. Kugona kwavo basa kunodadisa. Pose patinoita mashoo edu tose, tinenge tichiita basa sebasa; hapana zvinokanganisa,” anodaro Soma.

“Ndinoda kutenda vatungamiri veOrchestra Mberikwazvo nebasa ravo rakanaka rekutungamira mumwe wevaimbi vepamusoro munyika ino. Mashoo avo akawanda anofarirwa zvakanyanya, izvo zvinoratidzwa nekuzara kunenge kwakaita vanhu.”

Kuvepo kweaimboridza gitare rebhesi reUtakataka Express — Spencer “Bolt Cutter” Khumbulani — kuri kuitawo kuti zvinhu zviendeke kuchikwata chaSoma, Denda Brothers.

Khumbulani, anova shasha yekuridza gitare uye munyori wenziyo, akabatsirawo pana “Atove Mazambuko”.

Kunze kwekuridza magitare, anoonawo nezvemafambisirwo ebasa kuchikwata chaSoma.

Ruoko rwenyanzvi yekubika mhanzi, Bothwell “Native” Nyamhondera, rwunoonekwa zvakare padambarefu iri.

“Spencer agara ari mubhendi (Denda Brothers). Tinonzwa kuzvipira kwaakaita papurojekiti yedu. Padambarefu iri, akaridza dzimwe nziyo, ukuwo Tatenda Chari achiridza bhesi kune dzimwe.”

Kunze kwemadambarefu 26, muimbi uyu zvakare akarekodha nziyo nomwe nemavhidhiyo ane chitsama.

Mafia akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira “Wakandidadira”, “Marwadzo Mukurarama” na“Nditungamirireiwo”.

Mukurumbira wake wakawedzera zvikuru mushure mekunge aburitsa “Zvamauya Zvanaka”.

Ndibaba vanodada nevana vanomwe — vakomana vatanhatu nemusikana mumwe chete — uye ane vazukuru vana.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×