Zvemimhanzi harisi dambe: Watson

Kingstone Mapupu

MUIMBI ari kusimukira, Lucky Watson (34), uyo aimboridza nechikwata cheKhiama Boys, icho chinotungamirirwa naMadzibaba Nicholas Zakaria, anoti ave kuita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana kuti akwanise kuraramisa mhuri yake sezvo ari kutatarika, asinazve mari yekutsikisa mamwe madambarefu ake aakatopedza kukwenenzvera.

Muimbi uyu anogara mumusha waSabhuku Marikopo kuDema, mudunhu raMambo Seke, iro riri muMashonaland East.

Anoimba musambo wesungura aine chikwata chake cheZvaazvinhu Express.

Watson anoti akatanga kuimba nechikwata cheKhiama Boys mugore ra2007 kusvika mugore ra2012.

“Ndichikura, ndaifarira zvikuru musambo wedendera wemhuri yekwaChimbetu. Ndakazowana mukana wekusangana naAllan Chimbetu, uyo akandidzidzisa zvakawanda. Akandidzidzisa kubvira mukunyorwa kwenziyo, kuimba nekuridzawo magitare nengoma.

Ndakazopinda muchikwata cheKhiama Boys chaMadzibaba Nicholas Zakaria mugore ra2007 ndichitamba nekuridza magitare nengoma kusvikira mugore ra2012, apo ndakasiya. Panguva iyi, ndakadzidza zvakawanda. Kuridza magitare, kuimba nekunyora nziyo ndinoti ndave kuzvigona,” anodaro Watson.

Muimbi uyu anoti akazoumba chikwata chake mugore ra2018, ndokutanga kuridza akazvimirira. Anoti ane madambarefu maviri. Rekutanga, raakabura mugore ra2018, rinonzi “Kudzikama Newako”. Rine nziyo nhanhatu.

Rechipiri, iro rinonzi “Vanamukoma Sadza Nezondo”, akaribura muna 2023 uye rine nziyo shanu.

“Ndine  madambarefu akawanda nemasingles ari kutadza kutsikiswa nekuda kwekushaya mari inodiwa nemakambani anotsikisa mimhanzi. Pane rinonzi ‘Jesca’, rine nziyo nhanhatu, iro ndiri kushuvira kuti dai ndawana anondibatsirawo nemari ndaritsikisa. Nekuoma kwezvinhu, ndakagumisira ndave vendor. Ndinotengesa michero yakaita semabhanana nemagaka nezvimwewo kuti mhuri ikwanise kudya nekurarama nekutiwo chikwata chifambire mberi,” anodaro Watson.

Anotiwo midziyo yake yekuridzisa haina kukwana, izvo zviri kukanganisawo kusimukira kwebasa rake.

“Chikwata changu chine nhengo sere, dzinova nyanzvi. Vanoridza pamwe chete nekutamba. Ini ndinoridza gitare remahon’era, ratinoti bass. Munhu haazvipembedzi, asi chokwadi ndechokuti ndinogona nekuziva zvandinoita. Izvozvi ndakaita vidhiyo naMark Ngwazi, iro rinoda kukwenenzverwa asi panodiwa mari,” anodaro Watson.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinoda mamwe magitare matatu nemixer uye ngoma sezvo zvandinazvo zvasakara. Musambo wangu isungura nesungura gospel. Ndinoita mashoo kwakasiyana-siyana asi rimwe dambudziko guru randinaro kushaya motokari yekutakurisa midziyo yedu kuenda kunzvimbo idzi. Munguva pfupi yadarika, ndakaita mashoo kwaChibhanguza, kwaMurewa; kuChitungwiza; kuCity Sports Centre muHarare; kuNorton nekumwe.”

Watson anoti ane rimwe dambarefu zvakare raave kutopedza kunyora rinonzi “Ichava Nhoroondo Mukurarama Kwangu”.

Anoti dambarefu iri rinotsanangurawo mafambiro eupenyu hwake kusvika pari zvino nezvose zvaari kuedza kuita.

“Murwendo rwangu, ndaedza zvose asi zviri kuramba. Ndinotenda vose vakambondibatsira. Vane tsiye nyoro neni vanogona kundiridzira nhare panhamba dzinoti 0777 814 054,” anodaro Watson.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×