Zvemimhanzi zvakaoma: Ndlovu

guitar_black_caddy_music_instruments_MUIMBI akamboita mukurumbira makore adarika achiridza nezvikwata zvakasiyana, Shephard Ndlovu (40), anoti parizvino indasitiri yemimhanzi yakaoma zvikuru sezvo pasina vakotsveri vakazvipira kutsigira avo vachiri kusimukira.

Ndlovu, uyo anoimba nechikwata cheChesa Express chine nhengo sere, parizvino ari kufamba achivaraidza veruzhinji kunzvimbo dziri kumapurazi akatenderedza Karoi uko ari kugara senzira yekutsvaga raramo.

Muchinda uyu akatanga kuita zvemimhanzi mugore ra1991.

“Kubva pandakatanga kusvika parizvino handisati ndambotsikisa sezvo zvinhu zviri kuoma munyaya dzekusimukira mumimhanzi, “ akadaro.

Anoti akamboimba nechikwata cheShirinhema Band icho chakazoshandura zita kuti Shirichena uye akamboimba zvakare naLeeroy Kamusena nechikwata cheChazezesa Challengers.

“Dambudziko redu nderekuti takange tisina magitare ekushandisa.

“Parizvino ndakakwanisa kutenga magitare kuburikdza nekurima fodya izvo zvave kuita kuti tikwanise kufamba nzvimbo dzakatenderedza tichiridza,” akadaro.

Anoti rimwe dambudziko ravakatarisana naro ndere kushaya mapuromota anovatsigira mubasa ravo kuti vakwanise kusimukira.

“Tinenge tichitsvaga nzvimbo dzekunoridzira dzinoita kuti tikwanise kuwana chouviri asi nekuda kwenzvimbo yatinogarta zvinhu zvinotinetsa sezvo kusina kwatinokwanisa kuridza kunotipa mari iri nane,” akadaro Ndlovu.

Anoti zvekuridza magitare akazvarwa nazvo, zviri muropa.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×