Zvibatei: Chiwenga

Tandayi Motsi —
MUKURU weuto reZimbabwe Defence Forces (ZDF), General Constantino Guveya Nyikadzino Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze runyararo zvichitevera kusiya chigaro kwevaimbova mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe.

Cde Mugabe vakaendesa gwaro ravo rekusiya chigaro ichi nemusi weChipiri chadarika kumutauriri wedare reParamende, Advocate Jacob Mudenda sezvinotarisirwa mubumbiro renyika. Vachitaura nevatori venhau vari kuTongogara Barracks (iyo yaimbozivikanwa nekuti KGV1), General Chiwenga vanoti veruzhinji vanofanira kuzvibata zvikuru panguva ino.

“Zvichitevera zviri kuitika munyika medu, mauto nevamwe vanoona nezvekuchengetedzwa kwerunyararo vanoda kukurudzira zvizvarwa zvose zveZimbabwe kuti vave vanozvibata pamwe nekuchengetedza runyararo zvizere,” vanodaro General Chiwenga.

“Hunhu hwedu hwatagara tiinahwo hwekuva vanhu vane runyararo uye vanotevedzera mutemo iye zvino hunofanirwa kuratidzwa nekutevedzera mutemo,” vanodaro.

Mauto eZDF akapindira mukugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika nemusi weChitatu svondo radarika kuburikidza nechirongwa chinonzi “Operation Restore Leagacy” vaine chinangwa chekubvisa nhubu dzange dzozviisa pedyo naCde Mugabe dziine chinangwa chekuti musangano nenyika zvirasike gwara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *