ZVIBHAKERA ZVANDIRERA: MONALISA

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva yechidzimai, Monalisa “Queen of the Jungle” Sibanda, anoti hakuna chisingapere, naizvozvo vanhu ngavasanyanye kutya sezvo chirwere cheCovid-19 chichapera neimwe nguva.

Sibanda anotiwo mutambo wetsiva wakanaka uye kana ari iye, zvinhu zvabhadhara nekuti ari kurarama kubva mukukanda zvimbokoma zvematsenganzungu.

Vanhu vari mune zvemitambo vakawanda vakakanganiswa nedenda reCovid-19 sezvo mitambo mizhinji yakambomiswa nekuda kwechirwere ichi pasi rose izvo zvakonzera matambudziko makuru uye kushushikana kune vari mune zvemitambo.

Asi muhurukuro naQueen of the Jungle, anoti zvinhu zvose zvinoitika pasi pano zvine chirevo uye Mwari vachagadzirisa zvose zvigonaka.

“Zvinhu zvose zvinoitika pasi pano zvine chirevo, hazvingoitike. Matambudziko aya achapera uye Mwari vachatitungamirira kusvika zvanaka.

“Zvinonzi chisingapere chinoshura, saka iyo coronavirus (Covid-19) yatishungurudza iyi ichasvikawo pakupera,” anodaro.

Sibanda anozivikanwa ari iye mumwe wemadzimai kubva muZimbabwe vakaita mukurumbira achitamba tsiva izvo zvakamuona achitamba mitambo 25 muboka reamatuer akaihwina yose. Akazokwirira ndokutanga kukwikwidza muboka reprofessional achirwa muJunior weight akatamba mitambo 17 umo akahwina misere uye nemabhande anosanganisira reWorld International Boxing Association (WIBA), World Intercontinental Champion iro akahwina gore radarika kuNairobi, Kenya.

Shasha iyi haina kuenda kure nechikoro asi inoti ine mufaro mukuru muupenyu hwayo nekuti mutambo wetsiva wakaichengeta zvikuru uye nanhasi uchiri kungoira- ramisa.

“Tsiva ndiwo upenyu hwangu, kubva kare uye kusvika nanhasi mutambo uyu wandichengeta zvikuru. Ndinongotenda Mwari vakandipa chipo ichi nekuti handitombokwanise kuverenga ndikazvipedza zvose zvandakawana kuburikidza netsiva,” anodaro Sibanda.

Queen of the Jungle akakomborerwa nevanakomana vatatu uye vose vari kutevera mumatsimba ake ekutamba tsiva uye mukuru wacho ane makore 16 ekuberekwa ave kutokwikwidza muboka reamatuer.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *