Zvibhorani zvakafa zvogadzirwa

Kingstone Mapupu
SANGANO rakazvimirira rogadzirisa zvibhorani zvakafa kudunhu reRushinga richibatsirana nebazi reDis-trict Development Fund (DDF) nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nesangano reWASH, iro rinove pasi peUnicef,  richibatsirana neDDF. VaGeorge Matimura (36) – avo vanove  borehole pump mechanic – vari kutungamirira chirongwa ichi kuRushinga vanoti vanoda kugadzirisa zvibhorani zvose zvisiri kushanda kudunhu iri.

“Chirongwa ichi tiri kuchiita tiri pasi pesangano reWASH, iro riri pasiwo peUnicef, richibatsirana nebazi reDDF. Tiri kufamba mumawadhi ose 25 ari mudunhu reRushinga,” vanodaro.

Pakashanyirwa dunhu iri neKwayedza nguva pfupi yadarika, VaMatimura nechikwata chavo vakawanikwa vachigadzira zvibhorani kuwadhi 22 kwaMambo Makuni uko vainge vakatarisana nekugadzira zvibhorani 18.

Vanoti mudunhu rose reRushinga vakatarisana nekugadzirisa zvibhorani zvinokwana 217. Chirongwa ichi chakatanga nemusi wa14 Mbudzi gore rino.

“Mune zvikwata zvakawanda zvenyanzvi dziri kufamba dzichigadzira zvibhorani zvakafa izvi, apo tinotarisira kupedza gore rinouya kumavambo kwaro kana pakati. Tinotarisira kuti varimi vose vawane mvura sezvo dunhu rino richinetsa mvura zvikuru,”  vanodaro.

Vanoti panyaya yezvinodiwa, angava masimbi kana mapombi pakugadzirisa zvibhorani izvi, harisi dambudziko sezvo  zviri kutengwa nesangano reWASH.

“Mubasa ratinoita iri tine vakuru vekusangano reWASH nevekuDDF avo vanozouya vachitarisa nekuongorora basa ratinenge taita kuti rakanaka here kana kuti rakaipa,” vanodaro VaMatimura.

Sabhuku Sumburero, VaVanada Karumuberere (95), vanoti vanotenda zvikuru chirongwa ichi icho chiri kubatsira varimi mumabasa avo akasiyana anosanganisira epamba, muminda, mumapindu pamwe nekuwanisa zvipfuyo mvura yekunwa.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *