MOTOKARI yekuendeswa parimwe garaji riri muHarare kuti inogadzirwa mushure mekunge yaparara mutsaona yava kutyiwa nevashandi vepo sezvo ichinzi iri kutaura nezwi rakakora seremunhurume ichiti vaisiye.
Payakadhonzwa ichiendeswa kugaraji iri, mota iyi yakaitazve tsaona rusingapere uye mumota umu makaonekwa muine chinhu chiri kunzi chikwambo chinofamba nekufema.



