Zvichangoitika: Nyakuponda mwana (7) wekwaMurehwa asungwa

Munyori weKwayedza
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anozivisa kuti vasunga murume mumwe chete nemhosva yekupondwa kwekamwana kemakore manomwe kekwaMurehwa svondo rapera ako kane mutumbi wakazonhongwa wakadimburwa musoro, maoko nemakumbo ose pamwe chete nemagadziko.

Tafadzwa Shamba (40) – aine vamwe vake vaviri avo vasati vasungwa – vari kunzi ndivo vakaponda Tapiwa Makore (7) nechinangwa chekuchekeresa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira kusungwa kwaShamba vachiti vari kuvhima nemeso matsvuku vamwe vake vaviri.
Vanoti mapurisa akwanisa kuwana mbatya dzine ropa idzo dzainge dzakapfekwa naShamba zuva ravapara mhosva iyi.

“Zvinonzi Tafadzwa Shamba – uyo anofudza mombe mumusha wanga uchigara mwana wekupondwa – aine vamwe vake vaviri, vakahwandira Tapiwa kumagadheni. Vakamutora ndokukwira naye mugomo umo vakaswera vainaye zuva rose. Vakazomuponda husiku, mumwe wavo uyo anobva kwaJuru Growth Point, ndokuzoenda nemusoro/deheny’a achisiya Shamba aine dzimwe nhengo dzemuviri wemwana uyu achivimbisa kuzodzoka achimubhadhara US$1 500,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
“Mapurisa achaita zvose kusvika vasunga vamwe vevanhu vakapara mhisva iyi,” vanodaro.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×