zvidhoma zviri kuvava

. . . zvouraya vanhu, mombe
. . . zvichiparadza zvirimwa

Hazel Marimbidza
ZVINHU zviri kunzi zvidhoma zvinonzi zvamuka chibhebhenenga kuZiqaweni kwaMambo Sigola, kuEsigodini mudunhu reMatabeleland South uko zviri kuuraya vana nezvipfuyo uye zvichiparadza zvirimwa.

Pane mashoko anoti kubvira muna Gunyana gore rapera, imwe mhuri yeko yarasikirwa nevana vaviri mushure mekurohwa nezvidhoma izvi.

Vagari vemunzvimbo iyi vanonzi vakambotura mafemo apo chimwe chezvidhoma izvo zvinonzi zviri kuuraya vana chakabatwa ndokupiswa nevamwe vanozviti maporofita.

Asi mufaro uyu unonzi wakave wenguva pfupi sezvo vagari veko vakatanga kuoneswa ndondo zvekare nezvinhu izvi zvichiuraya mombe dzakawanda nekuparadza zvirimwa.

“Zuva roga-roga tinomuka tichiona mombe dzakafa. Pakutanga, takambofunga kuti dzaive mbavha, ndokuita majana ekurara takachengeta matanga ezvipfuyo zvedu. Hapana zvazvakabatsira nekuti hapana munhu watakabata asi mangwanani oga-oga taifuma tichiona mombe dzakafa kumatanga evanhu vakasiyana,” anodaro mumwe mugari wemubhuku iri uyo asingadi kuti zita rake ridomwe nekutya.

Sabhuku weko, VaMehluli Ndlovu, vanoti kana naivo vari kushungurudzwawo nezvinhu izvi.

“Kusvika pari zvino mombe 30 dzafa munzvimbo ino. Ini ndakarasikirwawo nemombe dzangu. Tave kuda kuti Mwari, n’anga nemaporofita vapindire mukuchenura dunhu rino.

“Kana zviri zvidhoma kana kuti mumwe munhu ari kushandisa juju, taneta nazvo saka tinoda kuti zvidhoma izvi kana kuti munhu ari kukonzeresa izvi abatwe.

“Zvidhoma izvi zviri kuparadzawo zvirimwa zvevanhu. Pari zvino tiri kuunganidza mari kuitira kuti ndigoenda kuChipinge kunotora chitopota chen’anga,” vanodaro.

Vagari vemubhuku iri vari kuchema-chema zvikuru vachiti kudai dambudziko rezvidhoma iri ragadziriswa nekukasika.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *