KWAYEDZA

Zvigiredha zvishanu zvakapiswa mubongozozo repamugodhi kuShurugwi

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuShurugwi, munharaunda yeMidlands, anoti ari kufeya nyaya yemhirizhonga yakaitika pane mumwe mugodhi weikoko pakafa munhu mumwe chete, vamwewo vatatu vakakuvara zvakanyanya.

Nokuda kwemhirizhonga iyi, magiredha mashanu aishandiswa pamugodhi uyu akapiswa zvakare.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti kurwisana uku kwakaitika nomusi wa2 Mbudzi mugore rino ra2026 paChenxi Mine Site Four, inova chikamu cheWanderer Mine, apo pakafa munhu mumwe chete, vatatu vakakuvara.

“Mapurisa edu ari kufeya nyaya yekurwisana kwakaitika pane mumwe mugodhi kuShurugwi, kukafa munhu mumwe chete, vatatu ndokukuvara.

“Zvigiredha zvishanu zvakapiswa muchiitiko ichi. Zvakawanda zviri kutevera munyaya inosuwisa iyi,” vanodaro Comm Nyathi.

Mugodhi uyu, unova wegoridhe, unonzi ndewamuzvinabhizimusi anobva kuChina.

Magadhi epamugodhi uyu akanga achida kudzinga makorokoza enzvimbo iyi, zvinova zvakakonzera kuti pave nemhirizhonga, iyo yakaparadza midziyo.

Yakakonzerawo kufa kwemunhu uye kukuvara kwevamwe.

“Mapurisa ari kufambira mberi nekufeya nyaya iyi pasina pavanosiya, pachitarisirwa kusungwa kwevanhu nokuda kwenyaya
iyi.

“Anenge asungwa achaendeswa kumatare edzimhosva, onopihwa chirango chinofambirana nemhosva yake.

“Semapurisa, hatikurudziri mhirizhonga kana kurwisana kwenzira ipi neipi zvayo,” vanodaro Comm Nyathi.