Zvikoro zvakaparadzwa

Fidelis Munyoro
HURUMENDE inoti iri kuita ongororo kuti ione hudzamu hwekuparadzwa kwakaitwa zvikoro nemafashamu emvura yedutumupengo yeCyclone Idai ayo akayeredza vamwe vana vechikoro nevadzidzisi kuChipinge neChimanimani munguva pfupi yadarika.

Munyori mukuru mubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, vanoti zvikoro 51 zvakaparadzwa mudunhu reManicaland, zvimwe gumi zvikaparadzwa kuMasvingo.

Vanoti bazi ravo rakatotumira chikwata chiri kuita ongororo maringe nekuparadzwa kwezvikoro uku.

“Nhengo dzedu dzekupurovhinzi — dzichitungamirirwa nevakuru vezvedzidzo — vari kuongorora nzvimbo dzakawirwa nematambudziko aya,” vanodaro muhurukuro yavakaita neZimpapers Televison Network nomusi weChishanu chadarika. Pari zvino huwandu hwezvikoro zvakaparadzwa hatisati tava nahwo sezvo dzimwe nzvimbo dzisati dzava kusvikika nekuda kwemazambuko akaparadzwa nokudaro zvinogona kutitorera nguva kuti tiwane huwandu hwezvikoro zvakaparadzwa neCyclone Idai,” vanodaro Mai Thabela.

“Dambudziko ratiinaro nderekudzoreredza dzidzo munzvimbo dzakaparadzwa. Zvimwe zvezvikoro zvakawirwa nedambudziko iri zvinosanganisira St Charles Lwanga High School icho chatava kuzochinja karenda yekudzidza kwevana uye tiri mushishi kuti tinge tichigadzirisa zvivakwa nezvimwe zvinodiwa.”

Vanoti mushure meongororo iyi, vachaona kuti nzvimbo nenzvimbo dzinoda rubatsiro rwakadii, rwungava rwenguva diki kana refu.

Bazi ravo, vanodaro Mai Thabela, riri kushanda nerezvekutongwa kwematunhu, nevamwe vatsigiri mukugadzirisa zvivakwa zvakaparadzwa.

Vanotizve pari zvino bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari riri kuisa zvekufanoshandisa mudzidzo munzvimbo dzakawirwa nenjodzi iyi kuti dzidzo ifambire mberi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *