Zvikoro zvakasima miti 1500

Malven Mugadzikwa
CHIRONGWA chekusima miti muzvikoro nenharaunda dzakazvipoteredza, icho chiri kutsigirwa neFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, yakabatana nebepanhau reKwayedza, chatekeshera kumativi mana enyika uye svondo rapera zvikoro zviri kuNorton neDarwendale zvakawaniswa nhondo dzemiti.

Zvikoro izvi ndezvinoti Maringove Primary School kuDarwendale, icho chakasima miti 800, neNorton Primary School apo pakasimwazve miti 750.

Zvimwe zvikoro zvakapoteredza zvakapihwawo miti yekunosima.

Zvikoro zvinoda kupinda muchirongwa ichi zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadii.
Vachitaura paisimwa miti paMaringove, kanzura veWard 21 kunharaunda iyi VaEnock Chivambu, vakati munhu wose anofanira kutsigira chirongwa chekusima miti pamwe nekuichengetedza nedonzvo rekudzoreredza masango ayo ari kuparadzwa.

“Ichi chirongwa chinofadza chaizvo sezvo chichidzoreredza nharaunda pakare, payo chaipo. Zvakakosha kuti vana vekure vachiziva kusima miti pamwe nekuichengetedza kuti vazokurudzirawo vanotevera,” vakadaro VaChivambu.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaAugustine Mukaro vekuFOTE vakakurudzira vana vechikoro nevamwe veruzhinji kuti varambe vachitsigira chirongwa chekudyarwa kwemiti.

“Miti yatinosima iyi inoshanda mabasa akasiyana kusanganisira kugadziriswa mishonga. Mimwe mishonga yaishandiswa kurapa kare haichawanikwe nekuda kwekushaikwa kwemimwe miti yemuno yakakosha iyo yava kupedzwa kutemwa.

“Kune mimwewo miti yemichero zvakare yave kunetsa kuwana yakaita semitohwe iyo yava kudhura chero pakuitenga. Vana vechikoro dai vaitawo shungu dzekusima miti iyi kuti irambe iripo kuitira vachazouyawo shure kwavo vaone zviripo,” vakadaro.

Mukuru wechikoro paNorton 1 Primary School, VaNgonidzshe Nyoni, vakarumbidza chirongwa ichi vachiti ishuviro yavo yekuti chirambe chichienderera mberi.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×