Zvikoro zvitatu zvatarisana nemakwikwi makuru

Abel Ndooka

ZVIKORO zvitatu zvekuNyanga North zvichabandana mumutambo weMatengambiri Soccer Tournament, uyo uchabatsira vatambi vechidiki vari kusimukira kuwana mabhezari uye mukana wekudzidziswa nhabvu nevarairidzi vepamusoro.

Muchiitiko ichi, icho chichatora nzvimbo musi wa2 Nyamavhuvhu, Dambakupetwa Primary School, Nyamahumba Primary School neNyatsanga Primary School zvichatatsurana.

Mitambo yacho ichange iri yevakomana neyevasikana.

Sachigaro wechikwata chiri kuronga mutambo uyu — Sydney Matanhike — anoti wakakosha nekuti uri kusimudzira vechidiki vanobva munzvimbo yeNyanga North.

“Mutambo weMatengambiri Soccer Tournament wakakosha zvikuru nekuti uri kupa vechidiki mukana wekusimukira munhabvu uye vachiwaniswa mabhezari ekuenda kuchikoro.

“Nyaya hombe iripo ndeyekuti tiri kuda kuti vana ava vawaniswe mukana wekusimukirawo
mune zvemitambo,” anodaro Matanhike.

Pachapera mutambo uyu, vana vatanhatu vachasarudzwa kuti vapihwe mabhezari; vachange vachibhadharirwa mari yefizi kusvika padanho reO-Level.

Nerimwe divi, vatambi 30, vanoti vakomana 15 nevasikana 15, vachasarudzwa kuti vagopinda muchikwata cheMatengambiri Select, icho chichazotamba
nezvikwata zvakasiyana-siyana zvemuHarare pamwe nekuona mitambo yemuPremier Soccer League.

“Pachasarudzwa vana vatanhatu, avo vachapihwa mabhezari ekunodzidza pachikoro chikuru kuNyanga kusvika padanho reO-Level.

“Kutaura kuno, pane vana 20 vari kubatsirikana nekuda kwechirongwa ichi vakatopihwa mabhezari, saka vamwe vachatowanawo pamutambo uyu watiri kuronga.

“Tiri ipapo, ticharonga chikwata chevatambi 30, chinoti 15 vakomana uye 15 vasikana, avo tichatakura kuenda navo kuti vambonotamba nezvikwata zvakasiyana-siyana zvemuHarare.

“Tichazoenda navo zvakare kunhandare dzemuPremier Soccer League vachiona mitambo. Munoziva, kune vamwe vana vasati vamboona mitambo iyi, saka isu tinoda kuti vamboionawo uye vagoziva kuti kuburikidza nenhabvu, upenyu hwavo hunogona kushanduka,” anodaro Matanhike.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×