‘Zvikwambo ndizvo zvinodariso’

VACHITAURA pamusoro pedambudziko remukadzi wekuDomboshava uyo ari kuny’ura makumbo mudumbu, VaPatrick Kapfunde, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti Hilda Musasa anogona kunge ari kushandisirwa zvikwambo.

“Zvidhoma zvinodhonza makumbo aya kuaendesa mudumbu nekuzoaburitsa. Dzimwe nguva matumbu nemapapu ake nedzimwe nyama zvemukati zviri kutodyiwa nezvikwambo izvi iye ari mupenyu,” vanodaro.

Sekuru Bhaureni

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Prangadhai, Passmore Chinovava vekuMt Hampden, achiti dambudziko remukadzi uyu riri kukonzerwa nezvikwambo.

Asi chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti Hilda ngaaende kuchipatara anoongororwa namachiremba, zvoonekwa kuti haana gomarara here uyewo otariswa nemachiremba emabhonzo nekuongororwa zvimwe zvirwere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *