Zvikwata zvehandball hutu kuZambia

Abel Ndooka
ZVIKWATA zviviri zvemutambo wehandball mumapoka anoti Under18 ne21 svondo rino zvakaenda kuLusaka, kuZambia uko zviri kutarisirwa kukwikwidza mumitambo yeAfrica Zone 6 International Handball Federation Challenge Trophy.

Zvikwata zviviri izvi zviri kurwira matikiti ekuzoenda kunokwikwidza kumitambo mikuru yevechidiki ichaitirwa kuMacedonia kozoti yevakuru iyo ichaitirwa kuSpain gore rino.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Handball Association, Edson Chirowodza, anoti zvikwata zvavo zvicharwa sebvumba kuti zvigokwanisa kuenderera mberi mumutambo uyu.

“Uyu mukana mukuru wezvikwata zvedu kuti zvigoenda kunokwikwidza kuEurope zvakamirira Africa, saka takagadzirira nepatinokwanisa napo kuti tigohwina.

“Tinovimba zvikuru kuti svondo rino ticharwa semvumba tigosimudza mukombe nekuti hakuna zvimwe zvatiri kutsvaga kunze kwekuhwina chete,” anodaro Chirowodza.

Mutambo uyu une zvikwata zvisere izvo zvakaiswa mumapoka maviri anoti Group A neB uye chikwata cheZimbabwe chevechidiki cheU19 chakaiswa muboka rine zvimwe zvinosanganisira Madagascar, Lesotho neSeychelles kozoti chevakuru chiri muGroup A zvakare umo mune Madagascar, South Africa neSwaziland.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *