Zvikwata zvotiburana muZimSports4ED tournament

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvemitambo yakasiyana-siyana zvemupurovhinzi yeHarare zviri kutarisirwa kutatsurana pamutambo wokutanga weZimbabwe National Sports Promotion for Economic Development (ZimSports4ED) tournament, uyo uchaitirwa paPrince Edward School muHarare musi wa13 na14 Gunyana.

Zvikwata izvi zvichakwikwidza mumitambo inosanganisira nhabvu, netballrugbysnookerkarate netenesi. Mitambo iyi ichaitwa yakanangana nekupemberera Munhumutapa Day, 15 Gunyana, rinova zuva rakazvarwa mutungamiri wenyika, President Mnangagwa.

Gilbert Muponda, anove secretary for strategy and implementation kuZimSport4ED, akati sangano iri rakaumbwa nechinangwa chekusimudzira mitambo nevatambi vacho, zvichifambidzana nemuono waPresident Mnangagwa weVision 2030.

Muponda anoti zvikwata zvichahwinha mitambo ichaitwa musi wa13 na14 Gunyana zvichazopihwa mibairo yazvo musi wa15 Gunyana, unova wekupemberera Munhumutapa Day.

Anoti: “Isu donzvo redu sesangano kusimudzira mitambo yakasiyana-siyana nekusimudzira vatambi kuti vabudirire mune zvemitambo.

“Munyika muzere vana vane matarenda emitambo, saka isu seZimSport4ED chinangwa chedu kusimudzira mitambo iyi nevatambi kuti vasvike kure.

“Sezvamunoziva, mitambo inounganidza nekubatanidza vanhu, saka isu chinangwa chedu kubatanidza nyika yose tichifara, tichiona mitambo yakasiyana-siyana, nyika yedu ichienda mberi.”

Muponda anoti chirongwa ichi chiri kutangira muHarare, asi ivo vachazotenderera nyika yose, vachienda kumapurovhinzi, apo vanenge vachironga mitambo iyi nekuisimudzira.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *