Zvimwe zviratidzo zveHIV mumukanwa

Munyori weKwayedza
BAZI rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinozivisa kuti kune humwe utachiona hunounza maronda emumukanwa uhwo hunodyidzana neHIV.

Kuora kunoita mazino nekuita maronda mumukanwa uku ndizvo zvimwe zvezviratidzo zvekutanga zvinoonekwa kana munhu aine utachiona hweHIV. Kunewe muverengi chengetedza mumukanwa mako uye ziva paumire maringe neHIV.

Candidiasis

  • Uhwu utachiona hunokanganisa mumukanwa hunodaidzwa kunzi thrush. Zviratidzo izvi zvinoita senge zvigamba mumukanwa, kusanganisra pahuro.
  • Zviratidzo izvi zvakanyanya kuvanhu vane utachiona hweHIV.
  • Maronda aya anogona kuva matsvuku kana machena achirwadza zvishoma kana kuti zvakanyanya.

Pseudomembranous Candidiasis

  • Mavara machena kana kuora kwemazino mumukanwa
  • Murwere anogona kunzwa kutsva
  • Zvinokurudzirwa kuvhenekwa nemachiremba

 Erythematous Candidiasis

Kazhinji maronda anenge ari matsvuku uye anowanikwa pakati pemumukanwa nechekumusoro.

Pamwe pacho mukati mematama nerurimi.

Murwere anonzwa kutsva.

Murwere anopihwa mishonga inorwisa utachiona hunokonzerwa neinonzi “fungi” mushure mekuvhenekwa.

Zvimwe zvacho zvinogona kukonzerwa nemushonga wemazino unenge uri kushandiswa.

Angular Cheilitis

Maronda anoitika mumukanwa mese achirwadza.

Anenge akatsvuka, kutsemuka maronda emukati achitoonekwa.

Maronda erudzi urwu anogona kutapurirwa kune mumwe munhu kuburikidza nekupanana tsvodo nemunhu anawo. Vana vanogona kutapurirwa nevabereki vavo kana vainahwo.

Kaposi’s sarcoma

Kaposi sarcoma imhando yegomarara inoita kuti pamere nyama dzakakura mumukanwa.

Vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vane mikana yekubatwa nechirwere ichi zvakanyanya.

Pakutanga, nyama inomera iyi inenge yakatsvuka ichizosanduka kuita ruvara rwepurple.

Hairy leukoplakia

Hairy leukoplakia inodaidzwa zvakare kuti oral hairy leukoplakia (OHL) uye inodyidzana neutachiona hweHIV. Chimwe chikamu cherurimi chinenge chakaita kunge chine bvunzi jena pamwe pakaita kuchena. Izvi zvinokonzerwa neutachiona hunonzi Epstein-Barr virus (EBV) hunovapo kana munhu adzikira muutano hwake nekuda kweHIV. Zvichena izvi zvinokwanisa kutoparwa zvichibva.

Gingival and periodontal lesions

Gingivitis inokonzera kuti nzvimbo dzinogara mazino dzitsvuke uye dzizvimbe nekubuda ropa, vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vane mikana mikuru yekubatwa nechirwere ichi.

Kana chirwere ichi chikanonoka kurapwa, chinogona kuzokomba chichipararira nemumukanwa mese chichirwadza.

Mazino anogona kuzoparadzana nemipendero yaanogara mumukanwa achitobva.

Linear gingival erythema

  • Inoparadza mazino ese
  • Gingiva yakasvukuruka muruvara rwayo
  • Munhu anogara achibuda ropa mumukanwa
  • Haibvume mishonga

Zvimwe zvinofambirana neutachiona hweHIV zvinosanganisira (Apthous ulcers neDental caries).

Zvese izvi zvinokwanisa kudzivirirwa kana munhu achitora mishonga yake yeAntri-Retroviral Treatment (ART) nekuchengetedza mumukanwa kuti mugare makachena.

 Ongororwa utachiona hweHIV, ziva paumire uye rapwa nekukasika nemachiremba.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *