Zvimwe zvirwere zvonetsa

Tandayi Motsi

SANGANO rezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti kuuya kweCovid-19 kwaona zvirongwa zvakawanda zvekurwisa zvirwere zvinosanganisira polio, gwirikwiti nemabayo zvichimbomiswa, asi iye zvino pave nenjodzi huru yekuti matenda aya ave kunetsa zvakare.

Vachitaura kuvatori venhau svondo rapera kumuzinda wavo uri kuGeneva, kuSwitzerland, Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus – avo vanova mukuru weWHO – vanoti zvakakosha kurwisa zvimwe zvirwere kunze kweCovid-19.

Dr Tedros vakataura mashoko aya pakuparurwa kwechirongwa chekurwisa polio chinokosha US$655 miriyoni chiri kutsigirwa neUNICEF icho chichaona vana vari pasi pemakore mashanu okuberekwa vemuAfrica nemamwe matunhu vachibaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi.

“Zvisinei, apo Covid-19 iri kunetsa, zvaona zvimwe zvirongwa zveutano zvaivepo zvinosanganisira kurwisa polio nekubaiwa kwemajekiseni acho zvichimbomiswa. Izvi zvaita kuti vana, kunyanya avo vari munzvimbo dzine chirwere ichi, vave panjodzi yekubatwa nepolio, gwirikwiti nezvirwere zvemabayo,” vanodaro Dr Tedros.

Vanoenderera mberi: “Tinofanirwa kutora matanho nekukasika kuitira kuti pasawane mwana anosara pachirongwa ichi. Nhasi WHO neUNICEF tiri kuparura chirongwa chekukumbira rubatsiro rwekutsigira kubaiwa kwemajekiseni kuvana ekudzivirira polio negwirikwiti.”

Dr Tedros vanoti panguva iyo vanamazvikokota vesainzi vari mushishi kutsvaga mushonga wekurapa Covid-19, zvakakoshawo kuona kuti vana vose vabaiwa majekiseni anodzivirira zvimwe zvirwere.

Vanoti pari zvino nyika dzakawanda dziri pakati pekuita ongororo yebudiriro yavepo nezvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo panyaya yekurwisa Covid-19 (Intra-Action Review).

“Intra-Action Review haibatsire chete kuti nyika dzisimbaradze zvirongwa zvekurwisa Covid-19 asi kuti inobatsira zvakare muhurongwa hwekusimudzira nyaya dzeutano mune remangwana. Kusvika pari zvino, nyika 21 dzapedza kuita ongororo iyi uye dzimwe dzichiri pakati pekuiita,” vanodaro Dr Tedros.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×