Zvinongoda kuzvipira: Madzibaba Masango

Kingstone Mapupu
MADZIBABA Strive Masango vechechi yeKubata kwaVapositori iyo inowanikwa kuRugare, muHarare, vanoti vasimudza mureza weZimbabwe kuburikidza nekushanyira nyika dzakasiyana vachibatsira vanhu mumatambudziko avo.

Madzibaba Masango nemusi weChipiri chino vakadzoka kubva kuJohannesburg, kuSouth Africa, uko vakanoita mazuva variko.

Vanoti pavaive kuSouth Africa, kwakauya zviuru nezviuru zvevanhu zvavakashandira.

“Basa raMwari rinoda kuzvipira uyewo munhu uchifamba muhutsvene nekudaro mbiri yavapo yekuti ndasimudza mureza weZimbabwe munyaya dzechinamato haisi yangu asi kuti ndeyaMwari,” vanodaro Madzibaba Masango.

Vanoti kune vakawanda vakapa huchapupu kuburikidza nekubatsirwa uko vakaitwa.

“Inyaya yatinotenda zvikuru nekuti zita reZimbabwe riri kusimukira nekuda kweminyengetero nekuwedzerwa kwenyasha kwatiri sevanamati. Ndichadzokera kunyika iyi mukupera kwaChikumi,” vanodaro.

 

 

 

 

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *