Muchaneta Chimuka
SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping).
Izvi zvinoita kuti EMA ikwanise kuona nzvimbo inenge yatangwa moto wesango ichibva yakurumidza kutora matanho ekuti unge uchidzimurwa.
Ruzivo urwu rwunobatsira mukudzivirira njodzi huru dzinokonzerwa nemoto wesango idzo dzinosanganisira kutsva kwevanhu vachikuvara kana kurasikirwa neupenyu, kuparadzwa kwemasango nezviwanikwa, kuparadzwa kwezvipfuyo nemidziyo inokosha uye zvivakwa, pakati pezvimwe.
Mai Amkela Sidange vanova Environmental Education and Publicity Manager kuEMA vanoti michina yavo inonyanya kutarisa nzvimbo dziri panyatwa nemoto wesango.
“Michina yemakombiyuta iyo iri kushanda pamwe nemichina yemuchadenga iri kutibatsira zvikuru kuti tinge tichiona nzvimbo dzinenge dzatangwa moto wesango zvichiita kuti tikwanise kutuma zvikwata zvedu kuti zvibatsire kudzimura. Chinangwa chedu chikuru chekuunza ruzivo urwu ndechekuti tikwanise kuchengetedza nharaunda dzedu neupenyu hwevanhu uye Mhuka pamwe chete nemasango nekuti moto wesango kana uchinge watanga pamwe pacho unofuridzwa nemhepo zvekuti unotonetsa kudzimura saka panenge pava kuda vanhu vane hunyanzvi hwekudzimura. Tiri kudzidzisa zvakare varimi nevamwe vemunharaunda nzira dzakanaka dzekudzimura moto,” vanodaro.
Mai Sidange vanoti huwandu hwemoto wesango huri kuramba huchiwedzera apo vamwe vanhu vanorasa zvigusvani zvefodya zvine moto, kupisa masango pakuvhima mhuka nekuteya mbeva uye kurasira dota rine moto pese-pese.
Vanoti vanoona zvakakosha kuti vanhu vadzime moto apo unenge uchangotanga.
“Tikatarisa makore 23 adarika, takarasikirwa nedzimba dzakawanda, kusanganisira ma‘lodge’ masango, midziyo yekurimisa uye mizinda inowanisa vanhu mafuta ezvifambiso.
Tinonyanya kurwadziwa nehuwandu hwevanhu vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwemoto wesango. SeEMA, tiri kugadzirira zvikuru kurwisa moto wesango mumwaka wekupisa,” vanodaro.
“Gore rino, ongororo yakaratidza kuti nzvimbo dziri panyatwa huru yemoto wesango dzinosanganisira matunhu akadai seManicaland, Matabeleland North neMatabeleland South.
Madzishe ndivo shamwari dzedu mukurwisa nyaya dzemoto wesango kuburikidza nematare echivanhu uye kukoshesa kwavanoita miti nemasango pamwe nekupawo chenjedzo kuvagari vemumatunhu avo nezvekuipa kwemoto wesango. Tinoshanda navo munguva zhinji nekuti ndivo vanhu vari muvanhu vanotanga moto uyu,” vanodaro.




