Zviri mugapu: Imbonzwa manhuchu akaiswa dovi

naMuchaneta Chimuka

MANHUCHU ane dovi kudya kwechivanhu kunovaka muviri pamwechete nekupamhidzira simba.

Svondo rino, Problem Mutetwa wekuHwedza anotsanangudza mamwe mabikirwo emanhuchu.

Zvinodiwa:

Manhuchu kana kuti chibage chakadzvurwa, mvura yakachena, munyu, mafuta, dovi uye chikari.

Mabikiro:

Geza manhuchu achene woanyurura mumvura uchiisa muchikari.

Dira makomichi mashau emvura, kanda munyu wakaringana netumafuta kuti asatsviririre. Kana mvura yave shoma, isa zvipunu zvitatu zvedovi.

Chimona nemugoti kusvika zvasangana.

Siya zvishinyire kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Manhuchu anodyiwa uchinwa nesvutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa uye imbuva yakakosha parwendo, kuchikoro kana kumabasa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×