‘Zviri nani ndinwe wemakonzo’

MUMWE mwana anonzi akati zviri nani kuti anwe mushonga wekuuraya makonzo agofa zvake pane kugara naamai vake avo vanomushungurudza.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Stanley Mutede akamhan’arira aimbova mudzimai wake, Esnat Muvirimi, achida mvumo yekutora vana vake vatatu kuti achengete apo aiti vari kushungurudzwa naamai vavo.

“Changamire ndinoda kuti mukadzi uyu andipe vana vangu ndigare navo nekuti haakwanisi zvachose kugara navo.

Pari zvino mwana mukuru akauya kumba atiza achiti amai vacho vanogara vachimurova nekumutuka ndokubva ndaendesa nyaya yacho kumapurisa. “Pandakamuti dzokera ndozokutora tagadzirisa nyaya akabva aramba achiti mukandimanikidza ndinononwa wemakonzo. Zvechokwadi mwana haana kugara zvakanaka nekuti harisi zera ringafunge kuzviuraya.

“Akandipa vana ndogara navo namai vangu nekuti handisati ndawana mumwe mukadzi kubva zvatasiyana.

Chakandikoshera kuti vana vangu vagare zvakanaka,” akadaro Mutede.

Muvirimi akaramba kuti anoshungurudza vana achiti anenge achivaranga uye mumwe wevana ava haana kutiza nyaya yekushungurudzwa.“Ini ndiri amai chaivo vevana ava, hapana pandingashungurudze mwana wandakagomera.

Mwana akati anoda mari yekuti aende kumaextra lessons kuchikoro asi ini mari yacho ndakanga ndisina nekuti yakanga yakawanda ndokubva agumbuka. Handina kuziva kuti achabva atiza pamba kwete kuti ndinomushungurudza. Kana mwana atadza ndinomuranga samai kwete kungosiya.

Mutongi Barbra Masinire akati vaviri ava vazodzoke kudare apo Mutede aizouya nemwana wekunzi akatiza amai vake kuitira kuti akwanise kuongororwa magariro ake nenyanzvi (probation officer).

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×