Zvisasa rudzii zvakadaro?

MUBVUNZO:

Nhai Sekuru, ndakangomera zvimapundu pasikarudzi zvakaita sechisasa. Ndakambobvunza umwe munhu akati, pane munhu anondichiva, zvinopera kana ndikarara naye. Asi handina kutora pfungwa iyoyo. Pandinokwenya, ganda repamusoro rinobva rabva pouya idzva rotsemuka-tsemuka.  Ndoita sei?

 

MHINDURO:

Chekutanga muzukuru ndinoti wakagona kusatora pfungwa yekuti urare neainzi ari kukuchiva. Hakuna zvakadaro, waiguma wapa chirwere ichocho kumunhu iyeye. Kune zvirwere zvakasiyana-siyana zvinounza “rush” panhengo dzevanhu, murume kana mukadzi. Syphilis, genital rush, candiosis rush nezvimwe zvakadaro.

Saka iwe nevamwe vane dambudziko iri, onekwai nachiremba poitwa ongororo kuti chirwere rudzii chakonzeresa rush iyoyo, morapwa nemishonga yakakodzera. Unorapwa nemunhu ane matsamba ekurapa. Kozouya kune vanorota vachiita bonde muhope, imwe rush inokonzerwa neizvozvo, kana kuswinyiwa kusikarudzi. Izvi zvakare unorapwa kuchivanhu nemachiremba ane matsamba.

 

. Bvunza Kwayedza panhare dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *