$10 000 yekurwisa gomarara

Malven Mugadzikwa
KAMBANI yeZimpapers Group nemusi weChipiri svondo rapera yakapa $10 449 kusangano reIsland Hospice and Healthcare yekutsigira zvirongwa zvekurwisa chirwere chegomarara. Vachitaura pakugashidza mari iyi, chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vanoti kambani yavo ine donzvo rekurwisa kupararira kwegomarara.

“Kambani yedu ine ruzivo rwakakwana rwekuti gomarara chirwere chiri kutekeshera uye chiri kuuraya vazhinji. Tsvakurudzo dzakabva kuitwa nesangano reCancer Association of Zimbabwe dzinoratidza kuti kune zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu vakabatwa negomara uye huwandu hwevanhu vari kufa nedenda iri hwawedzera nezvikamu makumi masere kubva muzana. Patsvakurudzo idzi, zvinoratidza kuti vanhukadzi ndivo vakawanda vanobatwa negomarara, zvisinei nekuti vamwe vari kubatwa nekufa nechirwere ichi zvisingazivikanwi,” vanodaro.

VaDeketeke vanoti vanhurume vakawanda vari kubatwawo negomarara redundiro (prostate cancer) uye vanofanira kukasika kunoongororwa kana vangosvitsa makore makumi mana okuberekwa zvichikwira.

“Zvose izvi zvinoratidza kuti veruzhinji vanofanira kuva neruzivo rwakakwana maererano nenzira dzekuongororwa pamwe nekubatsirwa maringe negomarara. Zimpapers, yakabatana neIsland Hospice, yakatanga kuita zvirongwa zvePower Walk nechinangwa chekupa veruzhinji ruzivo uye kuunganidza mari yezvirongwa zvekurwisa kupararira kwegomarara.

“Kuburikidza nekubatana kwedu neIsland Hospice, seZimpapers tiri kushandisa mapepanhau pamwe nenhepfenyuro dzedu mukupa veruzhinji ruzivo maringe negomarara.”

VaDeketeke vanoti chirongwa chePower Walk icho change chichiitwa muHarare bedzi mumakore maviri adarika chinotarisirwa kuitwawo kuBualwayo nekwaMutare gore rino.

Executive director weIsland Hospice, Muzvare Bev Sebastian, vanoti vanofara zvikuru nerubatsiro rwavari kuwana kubva kuZimpapers.

“Zvinotifadza zvakanyanya kubatana nemakambani makuru akaita seZimpapers mukushambadza ruzivo maererano negomarara. Tinoshuvira kuti hukama hwedu hucharamba hwakasimba sezvo pachiine basa guru mukurwisa gomarara munyika,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *