$10 yekuchengeta mwana

MURUME wekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake nenyaya yemendenenzi anoti anokwanisa kubvisa $10 pamwedzi yekuchengeta mwana wake sezvo achirarama nekuita marikicho anomuwanisa $5 pamwedzi.

Rutendo Dausi akamhan’arira aimbova murume wake Kudakwashe Zimondi kuHarare Civil Court.

“Kubva zvaakandiitisa mwana kusvika nanhasi, mwana wake haazivi kupfeka kana kudya chatengwa nababa vake. Izvozvi mwana atokura ndinongotambura ndega kuti ndoita sei. Ndikamubvunza chero mari shoma chaiyo anenge achingoti haana kwaanoiwana.

“Handizivi kuti ari kurarama sei. Ndauyawo kuno kudare kuti rindibatsire andipewo $50 yekuti ndiriritire mwana wake. Ini hapana zvandinoita zvekuti handingazvikwanisi ndega. Ndinombopotawo ndichibatsirwa nevamwe nemari nekutsvagawo zvimabasa zvemawoko asi mari yacho haizokwani. Handizivi kuti mari yaari kuwana ari kuidya nani iye asina kana imwe mhuri yaainayo kubva patakasiyana,” akadaro Dausi.

Zimondi akaudza dare kuti mari yakataurwa haaikwanise sezvo asina basa rinomupa mari yakawanda.

“Mari yataurwa iyi ndoyandinoshandira mwedzi yakawanda chaiyo kuti izokwana. Inini ndinoita zvemaricho nekupihwa zvimabasa pazvinenge zvamukira. Pamabasa andinoshandira mudzimba dzevanhu umu ndinokwanisa kuwana $5 pamwedzi zvekuti mari yandingakwanisa pane yataurwa i$10 pamwedzi yemendenenzi nekuti handidi zvekunyepera dare,” akadaro Zimondi.

Mutongi Gamuchira Siwardi akati Zimondi abhadhare $40 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *