Zvirwere zvenzeve nedziviriro

KUNE zvirwere zvakasiyana zvinobata nzeve izvo zvinofanira kurapwa kana kudzivirirwa nekukasika zvisati zvakomba zvekusvika pakuvhara kwadzo.

Nzeve kazhinji dzinorwadza kana dzichinge dzapindwa nechando chakanyanya icho chinokonzera kuti muhoronga kana kuti mwena uri mukati menzeve unge uchizvimba kana kuvhara.

Bhuku rakatsikiswa nesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, iro rinonzi Your Health Your Life, rinoti chando ichi chinoita kuti nzeve dzirwadze kana kuita sekunge dzinorira mukati zvichikonzerwa neutachiona. Mhando yechirwere chenzeve iyi inowanzobata vana vadiki.

Kana nzeve dzikapindwa nemvura, ivhu kana zvimwe zvinhu dzinoita utachiona hunozvimbisa zvakare mukati. Izvi zvinoita kuti nzeve irwadze zvikuru zvekutotadzisa munhu kutsenga sezvo tsinga dzeshaya dzakabatana nedzenzeve.

Pane dzimwe dzenguva hurwa kana zvinhu zvakaita zvichena zvinobuda munzeve.

Zvimwe zviratidzo zvechirwere chenzeve zvinosanganisira kupindwa nechando, kuita dzungu, kunzwa kurira munzeve, kutadza kunzwa zvakanaka nekutemwa nemusoro.

Vana vadiki vaye vanenge vasati vave kukwanisa kutaura vanogona kukwenya nzeve dzavo uye kuchema izvo zvinogona kuve zviratidzo zvekuti dzinenge dzichirwadza. Zvakadaro, kuyamwisa vana kwakakosha nekuti kunoderedza humwe utachiona uhwo hunokonzera kurwadza kwenzeve.

Vana vanofanira kufundiswa kupukuta dzihwa ravo nekajira kwete zvekufura madzihwa nechisimba nekuti zvinoita kuti nzeve dzidairire kana kuvhara.

Vana havafanire kuiswa panzvimbo dzine vanhu vanoputa fodya nekuti inokanganisa nzeve dzavo kana kufema.

Kana nzeve dzichinge dzarwadza uri kumba, zvakakosha kuti ushandise jira rakachena rinodziya mukutova nechekunze kwenzeve senzira yekubvisa chando chinogona kudaro chapinda mukati.

Munhu anofanira kuzviwanisa nguva yekuzorora kuitira kuti utachiona hunge huchiwana nguva yekubuda.

Kunwa mvura yakawanda kunobatsira asi kana marwadzo achinge akomba, munhu anokurudzirwa kutora mishonga inoderedza marwadzo yakaita separacetamol kana kukasika kuenda kwachiremba.

Kana nzeve dzikaramba dzichirwadza, zvichibatanidzira nemusoro, munhu anofanira kukasika kunoona chiremba nekuti anogona kunge abatwa nechirwere chinodaidzwa kuti meningitis.

Kana munzeve muchibuda hurwa, murwere anokurudzirwa kuhupukuta nekajira kanyoro kakachena. Hazvikodzeri kuti nzeve dzigare dzakavharwa nekajira. Onai chiremba kuti mupuhwe mishonga inodzivirira utachiwana iyo inodaidzwa muchiRungu kuti antibiotic eardrop.

Vana vanenge vari kutambudzwa nechirwere chenzeve vanokurudzirwa kuti vambomira kutuhwinha kana kusvetukira mumvura kusvikira varapwa uye vapora.

Kana munzeve muchinge mapinda chinhu, murwere anofanira kutsanangurira chiremba kuti azive mhando yechinhu chacho kuitira kuti patsvagwe nzira yekuti chinge chichibviswa.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×