10kg yehupfu iri kuita $70

Munyori weKwayedza
NECHINANGWA chekuda kuti hupfu hwemugaiwa, uho hunoshandiswa neruzhinji, hurambe huine mutengo wakaderera we$70 pa10kg, Hurumende yawedzera mari yainobhadhara kumakambani anohugaya kubva pa$73,90 kuenda pa$216,15.

Gurukota remaindasitiri, Dr Sekai Nzenza, vakazivisa nezvedanho iri svondo rapera.

“Nekuziva kuti tiri mudambudziko reCovid-19, Hurumende inoramba yakazvipira mukuona kuti mitengo yezvinodiwa neruzhinji zuva nezuva, kunyanya hupfu, yaramba iri painokwaniswa nevanotambura,” vanodaro.

Dr Nzenza vanoti Hurumende icharamba yakazvipira mukuti mutengo wehupfu uhu urambe uri pa$70 pa10kg kuburikidza nekubhadhara makambani anogaya hupfu chimwe chikamu chemari yekuhugadzira.

Vanoti izvi zvinoreva kuti Hurumende icharamba ichitarisa mari yainobhadhara kumakambani ehupfu aya.

Zvichakadai, veGrain Millers Association (GMAZ) vanogashira danho ratorwa neHurumende iri vachiti vanotarisira kuti ndizvo zvicharamba zvichiitika.

Mutauriri weGMAZ, vaGarikai Chaunza vanoti: “Tinogashira danho ratorwa neHurumende, kunyanya panguva ino ye’lockdown’.

“Tinofara kuti Dr Nzenza vakazvipira mukutaurirana nesu uye tinoshanda nebazi ravo pamwe nemamwe mapazi eHurumende zvakanaka.”

Nekuona kuti mitengo yezvinhu zvinodiwa neruzhinji pazuva iri kungokwira, mumwedzi waZvita 2019 Hurumende yakazvipira kutara mutengo wehupfu hwemugaiwa muzvitoro, ndokutanga kubhadhara chimwe chikamu chemari inodiwa kumakambani anohugaya. Izvi zvakaona makambani anogaya hupfu achitenga chibage kuGrain Marketing Board  nemutengo wakaderera we$4 000 patani.

Pakutanga, mutengo we10kg yehupfu uhu waiva $50, ndokuzoendeswa pa$70 mumwedzi waKukadzi gore rino.

Homwe yenyika yakazvipira kubhadhara chikamu chayo chekuti hupfu hurambe hwakaderera zvichienderana nekuti makambani agaya hupfu hunofambirana nechibage chaanenge atora kuGMB.

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×