‘11 Months’ Tsotsi richisunda mimba ‘. . . zvinoitika kakawanda’

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyaya yemudzimai wekwaMutare uyo anoti akazosununguka pamuviri mushure memwedzi 11 ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa.

Mudzimai uyu anoti akashereketerwa nemunhu waainge abira midziyo yake zvikaita kuti pamuviriri paainge anapo patadze kusununguka nenguva inotarisirwa yemwedzi mipfumbamwe.

Rosemary Sibanda (32) uyo anogara kuHobhouse, kwaMutare anoti akazosununguka mwanasikana kwapera mwedzi 11 akatakura pamuviri mushure mekunge azoshandirwa nemumwe muporofita.
Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero – avo vanova mukuru wesangano reZinatha vanoti: “Pachivanhu zvinoitika bedzi kana munhu apingwa sezvakaitwa amai ava. Vakaba zvinhu zvevanhu pamusha wakapingwa kana zvinhu zvacho zvainge zvakaiswa mushonga. Kune vanhu vasingabirwe vanosiya kana magejo chaiwo kumunda pasina anoabata.”

VaKandiyero

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu vesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA).

“Unogona kuchiviwa pamuviri ipapo posungwa nevavengi podarikidza nguva yapo kana kuroiwa kuti mudzimai uyu afe nemimba iyoyo.

Zvino kana amai ava vakaba, vakanotora zvinhu zvakapingwa. Kune misha yakagadzirwa zvekuti haibiwe, unoswera uchifamba wakatsiga tswanda kana mugomo mungava mumunda kana payi,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Asi Dr Abigail Jemedze, avo vanova chiremba wezvemadzimai (gynecologist), vanoti hazvishamise kuti mudzimai asununguke pamuviri mushure mekutakura mimba kwemwedzi gumi nemumwe chete.
“Hapana chakamboipa apa, zvinoitika chaizvo – tinoati ma’post dates’ paye pakuverenga nguva yekuzosununguka kubva panopedzisira amai kutevera vasina nhumbu.

Saka pakusunungukwa kwepamuviri tinoti masvondo maviri kumashure kana masvondo maviri kumberi kwenguva yavanenge vakatarisira uye kana kuita masvondo matatu chaiwo saka zvinhu zvinoitika zvikuru,” vanodaro Dr Jemedze.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×