‘Handina muswe, zvingori zvinyama’

Kingstone Mapupu
MURUME wekuChimanimani, kuManicaland — uyo wekumbobuda muKwayedza achiti ane dambudziko rekumera chinyama chinenge muswe — anoti ari kutsvaga rubatsiro rwekuti avhiiwe kuchipatara zvinhu zvinenge miswe yemombe izvi.

VaMartin Muchawaya Gumise (45) vanoti vatambura nedambudziko iri kwemakore anodarika mashanu. Pakambobuda nyaya iyi muKwayedza nguva yadarika, pane mashoko aitaurwa nevamwe vemunzvimbo inogara murume uyu ekuti akashinhirirwa aba mombe, izvo ari kurambisisa.

“Ndanetsekana zvikuru nekuda kwenyama inomera padivi redumbu rangu uyewo neimwe inomera nechekuzasi kwangu. Asi chokwadi nyaya inotaurwa nevamwe vanhu yekuti ndakaba mombe handina ruzivo nayo, inondinyadzisa izvo zvinoita kuti nditadze kufamba zvakanaka muvanhu,” vanodaro VaMuchawaya.
Vanoti dambudziko rekumera nyama iri rakangotanga vamera kapundu kusikarudzi yavo, ndokuzotanga zvakare kamwe padivi pedumbu kusvikira mapundu ose aya akura.

“Ndakabvira kare kuchema asi hakuna vanhu vanokwanisa kunditererawo kuti vandibatsire. Ndakaenda kuzvipatara zvinosanganisira Mutare, Chipinge neBirchenough uko ndaitaurirwa kuti ndibvise makutukutu emari iyo ndakashaya kusvikira ndazongogara zvangu pamba, kureva kuti ndangomirira kufa zvangu,” vanodaro VaMuchawaya.

Vanoti hama neshamwari hapana anokwanisa kuvabatsira sezvo vasina chavainacho. Murume uyu anoti nyaya yake inobatanidzwa nekubiwa kunonzi kwaiitwa mombe nevanhu vemudzinza rake vachiyambuka kuenda nadzo kunyika yeMozambique.

“Mhosva dzehama hadzisi dzangu nekuti nyaya inonamatidzwa pandiri yekunzi ndave kumera muswe ndichinzi ndaiba mombe ndikagadzirwa nen’anga, ifungidziro yevanhu. Mumusha medu mune vanhu vaiva mbavha dzemombe, ini ndinorwara kwete kuti vanhu vandiseke nenzira idzi,” vanodaro VaMuchawaya.

Vanoti pachipatara chavo cheMutambara Mission vakaendapo vanonzi vaende kwaMutare kana kuChipinge uko kunodiwa mari yavasingakwanise kuwana.

“Handizivi kuti chokwadi ndingafa here munyika izere vanhu kudai. Zviri kunzi nemachiremba igomarara rinoda kubviswa zvino mari handina.”

Kune vanoda kundibatsira vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0783 766 028, 0771 676 518, kana 0782 347 248.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×