PAKURARAMA tinosangana nevanhu vakasiyana mumararamiro, muzviito nemuhutano zvakare ndosaka zvichinzi hatifanane mukusikwa kwedu. Nguva pfupi yadarika pane mumwe muverengi weKwayedza akabvunza kuti zvinokwanisika here kuti murume ane utachiona hweHIV mukadzi asina vabereke mwana asina HIV.  Ndinoti hongu zvinokwanisika zvikuru.

Kune vamwe vane zvirwere zvino tapuriranwa pabonde uye kana takatarisana navo vanokurudzirwa kushandisa dziviriro pakusangana kwaamai nababa. Zvino kana vachishandisa dziviriro kana voda mbereko zvinofamba sei ndipo panouya mubvunzo. Nyanzvi dzinoti mudzimai ane nguva inokwana mazuva matatu pamwedzi apo anenge aine mukana mukuru wekubata pamuviri.

Mudzimai anofanira kuenda kukiriniki kana kuna chiremba vozeya nyaya pamusoro pemazuva aya. Ngatitorei sekuti baba vari kurarama neutachiona hweHIV amai vasina.  Hapana here dambudziko nekutyira kuti pakuda kuita mwana amai vanotapurira utachiona hweHIV uye vozotapurirawo kumwana ari mudumbu pakuzvarwa kana pakuyamwisa?

Hongu mukana wekutapurira uripo naizvozvo baba vanosungirwa kunge vachinwa mapiritsi emaARV. Kana vachinwa sezvakatarwa nenguva uye vasingaite mutemarege, vanogona mushure memakore maviri kunge utachiona husisaonekwi kana vakaenda kunoongororwa ropa.
Hazvirevi kuti havasisina utachiona aiwa asi kuti hwadzikira zvekuti hauchaonekwi.

Kana hwadzikira kudai njodzi yekutapurirawo mumwe wavo inenge yadererawo zvikuru. Apa ndipo panopinda vehutano vanoraira vaviri vari kuronga mhuri kuti mazuva api avachaita bonde pasina dziviriro.  Mazuva ano kwava nemafuta anozorwa anonzi microbiocides anove anourayazve utachiona. Mafuta aya anozorwa naamai munhengo yavo vasati vaita bonde.

Idzi inzira dzese dzekuedza kuderedza mikana ingatapurirwe utachiona hweHIV. Baba vanoongororwa kuchishandiswa nzira inonzi viral load test iyo inotarisa kuwanda kweutachiona muropa rababa. Dzimwe nguva baba vanoonekwa kuti utachiona hwadzika chose naizvozvo hapana njodzi kana vachida kuedza kuronga mhuri.

Vanogona kutoonekwa vasisina utachiona hunobatika asi ihwo huripo hwadzikira zvikuru. Ngatiti amai vabata pamuviri vaviri vanodzokera zvavo pakushandisa dziviriro uye amai vanoongororwa kuti havana utachiona here. Kuve neutachiona kwababa hakurevi kuti mwana anova neutachiona hweHIV.

Mwana anotapurira kubva kuna amai nekuti ndivo vanotakura nhumbu, kuzvara nekuyamwisa. Dr Agnes Mahomva vanoshanda neSangano reElisabeth Glaser Foundation vanoti hongu kana amai vane utachiona vava kukwanisa kubereka mwana asina utachiona kuburikidza nemishonga yemhando yepamusoro yaveko inopiwa mudzimai anenge akazvitakura.

“Mai vakaonekwa vaine utachiona hweHIV vanoiswa pamishonga yemaARV yemhando yepamusoro kwehupenyu hwese. Hazvina mhosva kuti CD4 count yavo yakamira sei. CD4 Count isimba riri muropa pakudzivirira zvirwere.
Mai vabata pamuviri vanobva vadzidziswa kurarama neutachiona hweHIV uye zvakanakira kunwa ARV.

‘‘Ngatiti baba vane utachiona hweHIV, vanobva vaiswawo pachirongwa nekukasika kuitira kuti vaviri ava varere mwana pamwe chete,” Dr Mahomva vakadaro vari kuKadoma kumusangano wakaitwa nesangano reNational AIDS Council vachidzidzisa vatori nguva yadarika.
“Kana vari baba vane utachiona vega amai vasina vanoiswawo pamapiritsi kuitira kuti mikana yekutapurira utachiona idzike.

‘‘Mai ndivo vanogona kupa mwana utachiona naizvozvo tinoramba tichisimbisa kuti vese vakazvitakura vaongororwe kuti havana here utachiona hweHIV.

‘‘Kana vainahwo harisi dambudziko kune mishonga yepamusoro inopiwa amai inodzivirira mwana ari mudumbu uye pakuzvara nepakuyamwa,” vakadaro Dr Mahomva.

Ikodzero yemunhu wese kuronga mhuri naizvozvo vanorarama neutachiona hweHIV vava kukwanisa kubereka vana vasina utachiona hweHIV.
“Senyika takatarisira kuti kusave nemwana anoberekwa aine utachiona hweHIV mumakore ano. Kunyika yeCuba hakuchina mwana anoberekwa aine utachiona kuburikidza nechirongwa chekudzivirira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana,” vakadaro.

Baba vane utachiona amai vasina vanokurudzirwa kuona mukoti kana chiremba anomiririra nhau dzeutachiona pakiriniki iri pedyo navo.
Hongu, vanokwanisa kuronga mhuri vakazadza imba nevana vasina utachiona hweHIV.

Wenyu:[email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *