Kingstone Mapupu
KUDUNHU raMambo Bepura, kuGuruve, kune gomo reChihwe iro rinonzi rinoyera muchionekwa nyoka dzine hurefu husina magumo uye vanhu vanotyora mhiko dzemo vanodzingirirwa nemakudo. Gomo iri rinowanikwa munzvimbo yakagariswa vanhu patsva yeBerrysport, iyo yaimbove purazi remuchena ainzi Peter Bols.
VaMind Gwashure (47), mumwe wevagari vemudunhu iri, vanoti vakakurira munzvimbo iyi vachiona masaramusi ezvinhu zvakasiyana zvinotyisa. Vanoti mugomo iri nanhasi munonzi munoonekwa nyoka dzisingaonekwe kunenge kuine musoro kana muswe pamwe nekunzwikwa kukuma kwemombe mumapako.
Kunze kwaizvozvo, zvinonziwo munonzwikwa kudzvurwa kwezvinhu asi vanhu vanoita izvi vasingaonekwe uye huku dzinenge dzichikekedza nekukukuridza.
Miti yemugomo iri haitemwe uye vasingatevedze mhiko dzemo vanonzi vanodzingirirwa nemakudo. “Mapipi makuru andakaona ndichiri mudiki ndeemuRungu ainzi Peter Bols uyo akanovaka imba yake huru mujinga megomo iri ndokututira midziyo yake akatanga kugara.
“Zuva rekutanga muRungu uyu nemhuri yake vakafuma vari panze nezvinhu zvavo zvose varere pamhene mumba musina chinhu.
Chakavaburitsa havana kuchiona.
“MuRungu uyu akazopotera kuvakuru vedunhu rino avo vakamutaurira kuti abve panzvimbo iyi,” vanodaro VaGwashure.
“Masvikiro emuno, kusanganisira tateguru Karundundu, vakaziviswa nezvenyaya iyi zvakazoita kuti muRungu uyu aripiswe nekushora kwaakanga aita midzimu yeko nekunovaka munzvimbo inoyera iyi. Akazonzi apunze imba iyi anovakira pamwe,” vanodaro VaGwashure.




