Hurumende yakazvipira kusimudzira varimi: Chimene

Cassius Mushore
HURUMENDE yakazvipira kusimudzira varimi vekumaruwa kuti vakwanise kuita basa ravo vachishandisa michina yechizvino-zvino nedonzvo rekuti vafambirane nenguva pamwe nekuwana goho guru. Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende rinomirira purovhinzi yeManicaland, Cde Mandy Chimene, kwaChigodora kwaMutare pakupihwa kwemubairo wetarakita kumurimi akakunda vamwe mumakwikwi evarimi vadiki kuHarare Agricultural Show gore rino, Mai Maengeni Bingandade.

Mumakwikwi aya, Mai Bingandade vakahwinha tirakita yakabva kukambani yeSouthern Region Trading Company iyo inotsigira varimi vadiki.
Mudzimai uyu akahwinha mumakwikwi aya mushure mekunge arima mbeu yakabva kukambani yeSeed Co uye akawanawo mibairo inosanganisira menduru, midhudhu nepombi yekudhonzesa mvura.

Cde Chimene vakati zvakakosha kuti varimi vavandudze marimiro avo.
“Varimi vazhinji vemuminda midiki vachiri kutambura chaizvo kuti vakwanise kukohwa goho rakakura nechikonzero chekuti vachiri kushandisa magejo, mawoko kudonhedzera mbeu nekusakura zvose vari kuita nemawoko izvo zviri kuita kuti goho rirambe rakadzikira.

“SeHurumende takazvipira kubatsira varimi vekumaruwa kuti vakwanise kurima vachishandisa nzira dzechizvino-zvino,” vakdaro.
Cde Chimene vakakurudzira varimi kuti varime zvirimwa zvinokwanisa kuvararamisa kwemakore maviri matatu kwete kuti panozopera gore vanenge vave kutofa nenzara chikafu chaita chishoma.

Vakarumbidza Mai Bingandade nekushanda nesimba kwavakaita zvakaita kuti vahwine mubairo mukuru uyu.
“Tinoda kutenda kuna Mai Bingandade avo vakakwanisa kuhwina mumakwikwi evarimi zvakaita kuti vawane mibairo yakasiyana inosanganisira tarakita. Ichi chidzidzo chatawana uye ngazvitipewo shungu munyaya dzekurima,” vakadaro.

Mai Bingandade vakati vanonzwa manyukunyuku zvikuru nekuhwinha kwavakaita mibairo iyi.
“Ndinonzwa kufara chaizvo nekugamuchidzwa kwandaitwa michina inova yakandikoshera zvikuru ndadadisa nyika yedu yeZimbabwe nekuratidza kuti isu semadzimai tinokwanisawo kuzviita.

“Ndinoda kupa kutenda kune makambani akandipa mbeu yakaita kuti ndizokunda mumakwikwi egore rakapera ayo anosanganisira Seed Co apo ndakaendesa zviratidzwa zvaikwana kuita 40,” vakadaro.

Mudzimai uyu akapihwa zvakare 50kg yembeu nekambani yeSeed Co pamwe nefetereza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×