Vovakisa muzinda wemabasa kwaMurehwa

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekwaShe Mangwende, kwaMurehwa, vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru mumabasa ebudiriro zvichitevera kuvakwa kuri kuitwa muzinda wekuitira mabhindauko akaita sekusona nekuveza mudunhu iri. Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa naVaEvans Magwende (43), avo vanoti chishuwo chavo ndechekusimudzira vanhu vanoshaya kuitira kuti vawane zvekuita zvinovapa chouviri.
“Tiri kuvaka Community Centre iyo ichange ichiitwa mabhindauko akaita sekutengesa, kuveza, kusona nezvimwe zvakawanda pedyo nechikoro cheDombodzvuku Primary School.

“Danho iri rakauya mushure mekunge taona kuti nherera nechirikadzi pamwe nevechidiki munharaunda medu vari kutambura zvikuru nekushaya mabasa. Nokudaro mabhindauko aya tinotarisira kuti achasandura upenyu hwavo,” vanodaro VaMangwende.

“Pane imwe kambani yekuSouth Africa yakavimbisa kutibatsira nekutiwanisa simba remagetsi kubva kuzuva. Kuburikidza nesimba rezuva, tichakwanisa kudhonza mvura tichiita mabasa emadiridziro,” vanodaro.
Vanoti vari kutsigirwa zvakare nekambani yeSeed Co mumabhindauko ekurima.

“Tine hurongwa zvakare hwekumutsiridza chirongwa cheZunde raMambo kuti chinge chichibatsira nherera nechirikadzi muWard 21 ne27 nokuti takaona kuti mudunhu medu mune vana vari kufirwa nevabereki, zvikuru nekuda kweHIV neAids.

“Sevanhu vari munharaunda, takaona zvakakosha kuti tinge tichipindira nekubatsira pachinzvimbo chekuti tingomirira kuchema kuHurumende,” vanodaro. VaMangwende vanoti nzvimbo yavari kuvaka iyi vanotarisira kuti inge ichitanga kushandiswa mumwedzi waKurume gore rinouya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×