$20 miriyoni ichavakisa zvikoro 17

HURUMENDE svondo rino yakanyorerana chibvumirano nesangano repasi rose reOpec Fund for International Development (OFID) chemari inosvika $20 miriyoni yekuvakisa zvikoro 17 kumaruwa pamwe nekutenga zvimwe zvekushandisa mudzidzo.

Mari iyi ichishandiswa pakuvaka zvikoro 12 zvepuraimairi nezvishanu zvesekondari mumapurovhinzi manomwe enyika.

Homwe iyi ichashandiswa zvakare pakutenga midziyo yemuzvikoro yakaita sematafura nezvigaro zvevadzidzi pamwe nekuvakiswawo dzimba dzevarairidzi.

Gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Cde Patrick Chinamasa, naOFID director-general, VaSuleiman J Al-Herbish, vakanyorerana chibvumirano ichi panguva yaiitwa musangano wepagore weInternational Monetary Fund neWorld Bank kuLima, kunyika yePeru.

“Hurumende yeZimbabwe inotenda zvikuru sangano reOPEC Fund for International Development nekuda kwerubatsiro urwu uye inotarisira kudyidzana kwakanyanya,” vakadaro Cde Chinamasa.

Chikwereti che$20 miriyoni ichi chichatanga kubhadharwa kwapera makore mashanu uye chichabhadharwa kwemakore 15.

Hurumende yeZimbabwe ichaisawo mari inosvika $2 miriyoni pamusoro pe$20 miriyoni iyi sechitaridzo chekuzvipira kwayo kuti chirongwa ichi chibudirire.

OFID isangano rakavambwa mugore ra1976 nenyika dzinotengesa mafuta dziri pasi peboka reOrganisation of the Petroleum Exporting Countries (OPEC). – The Herald Business.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×