MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti zvakakosha kuti mitauro 16 iyo inocherechedzwa mubumbiro reZimbabwe, idzidziswe mumakoreji evarairidzi pamwe nemuzvikoro sezvo ichibatsira mukuchengetedza tsika nemagariro evanhu.
Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weNketa, VaPhelela Masuku, avo vaida kuziva kana bazi iri riri kutora matanho ekuti mitauro 16 iyi inge ichifundiswa mumakoreji evarairidzi.
Dr Gandawa vakati mitauro yemuno yakakosha uye izvi ndizvo zvakaita kuti inge ichicherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika.
“Bumbiro remutemo weZimbabwe rinocherechedza mitauro 16 yemuno uye chishuwo chedu sebazi kuona mitauro yose iyi iri 16 ichidzidziswa mumakoreji evarairidzi. Izvi zvinobatsira mukuchengetedza tsika nemagariro pamwe nekuvandudzwa kwemitauro midiki.
“Makoreji ose evarairidzi akaudzwa kuti akoshese mitauro iyi. Semuenzaniso, mitauro inoti Sotho, Kalanga, Venda, Shona, Ndebele neEnglish iri kudzidziswa paJ. M. Nkomo Polytechnic,” vakadaro.
Dr Gandawa vanoti koreji yeMutare Teachers’ College neDanhiko Vocational Centre zviri kudzidzisawo mutauro weSign Language.
“United College of Education iri kudzidzisa varairidzi veTonga, Kalanga, Sign Language, English neShona,” vanodaro Dr Gandawa.
Mimwe mitauro inocherechedzwa mubumbiro renyika ndeinoti Chewa, Chibarwe, Koisan, Nambya, Ndau, Shangani, Tswana neXhosa.
Pasi pebumbiro remutemo iri, Hurumende inosungirwa kutora matanho ekuona kuti mitauro iyi yadzidziswa muzvikoro uye kuti yashandiswa pakufundisa vanoona nezvekuchengetedzwa kwenyika pamwe nevashandi veHurumende.




