President vakapa makombiyuta 20
MUTUNGAMIRIRI wenyika neHurumende, President Mugabe, svondo rapera vakapa makombiyuta 20 kuzvikoro zviviri zvesekondari zviri kuMakoni Central, kuManicaland, pasi pechirongwa chavo chekuwanisa zvikoro
‘Makoreji siyanai nechikiribidi’
HURUMENDE iri kuyambira vakuru vemakoreji kuti vasiyane nechikiribidi kana kuti tsvete pakutora vadzidzi asi kuti vatevedzere mitemo inoenderana nemashandiro avo. Yambiro iyi yakabva kumutevedzeri wegurukota redzidzo
Zvikoro zvichaiswa magetsi – Mutezo
HURUMENDE, kuburikidza nechikamu chinoona nezvekuiswa kwemagetsi kumaruwa – cheRural Electrification Agency (REA) – yakazvipira kushanda nesimba kuti zvikoro zviri kumaruwa zviwaniswe magetsi sezvo izvi
Mitupo, zvidao nemadzinza
ZVAKANAKA chose kuti takawanda tinoziwa mitupo yedu; asi dambudziko rinouya pakusaziva zvidao zvedu nemadzinza acho. Zvidao ndizvo zvinodudza madaidzirwo nemarumbidzirwo emitipo kuchizoti dzinza ndiko kwabva
‘Koshesai mitambo, mabasa emawoko’
VANA vechikoro pamwe nevadzidzisi vari kukurudzirwa kuti vakoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko nemitambo sezvo izvi zvichizokwanisa kuti vawane raramo mune remangwana ravo. Kurudziro iyi yakaitwa nevakafanobata
A-LEVEL — mubairo: Musiyiwa ava kushandira George nemukadzi wake
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 5 (Ongororo) Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza zvakati kuti. George tinomunzwa kuti munhu anovimba nemudzimai wake apo zvinonzi, “George nekuvimba nomudzimai wake akaenderera mberi nokuverenga” (19).
O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai anobatwa nevanhurume vaShe Dendera
Ticha Tichaziva CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Pfungwa yaamai vaZvenzira, avo vainge vaonana naRevai, iri kupishana kuti vaizomubatsira sei mujaya uyu. Baba vacho VaMazvikokota vanosimbira nezano ravo rekusvitsa shoko…
Hapana chirwere chiri nani
CHAWANA hama hachisekwi kana kuti seka urema wafa kutaura kuti kana uchirarama pano panyika usazvirove dundundu uchiti hapana chinoitika kwauri kana kuti hapana chinokuwana. Hupenyu imhindu-pindu mangwana
Kubika mazondo emombe
Zvinodiwa: Poto, chikari Mugoti, chipunu Mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka Mvura Mabikirwo anodiwa: Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochena, wogadza chikari kana poto pamoto. Isa mvura yakawanda woisa mazondo ose…
Tete
Takatorerwa pfuma yose Kunemi tete Ndiri mukomana ane makore 23 ekuzvarwa. Baba vangu vava nemakore gumi vashaya, amai vakashaya gore radarika iri. Dambudziko ravapo nderokuti pakugovewa kwakaitwa pfuma yevabereki zvose…







