O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai anobatwa nevanhurume vaShe Dendera

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Pfungwa yaamai vaZvenzira, avo vainge vaonana naRevai, iri kupishana kuti vaizomubatsira sei mujaya uyu. Baba vacho VaMazvikokota vanosimbira nezano ravo rekusvitsa shoko kwashe. Revai apo anoona murume uyu achitiza anotofa zvake nekuseka kwava kuti deno kwanga kusiri kuti pane zvaaitsvaga, angadai akapfura murume uyu nemuseve.

Revai anofamba zvishoma akananga pazimuti riya guru nechekumwewo mudzimai achida kudzivisa murume wake kuti asabude panze asi iye Mazvikokota anoramba afunga kuti mukadzi wake akange amushora zvikuru pakutiza kwaakaita, uyewo achida kuti zano rake rizadziswe.

Mudzimai anoshevedza imbwa Muchazvirega kuti idye sadza achiti ine manyemwe, kune rumwe ruwoko aine sadza raaida kupa Revai. Mazvikokota anobva atungamira ndokunyangira vachisvika pamuti ndokushevedzera achiti ndianiko ari pamuti apo. Pfumo rinokandwa nemurume uyu ndokubva rafuridza neparutivi paRevai mhapa ichibverenyurwa.

Anoona kuti zvaipa, Revai anoita ushamwari nemhepo iyo imbwa ichitevera mumashure. VaMazvikokota vanoshevedzera kuti vanhu vabate mbavha vanhurume vazhinji ndokubuda mumba vakapakata zvombo vachiteerera kuti izwi raibva kupi.

Mumusha maMambo Dendera maiva nedzimwe shasha mbiri dzekumhanya dzainzi Chigange naPondai. Kudare kwashe panonzwika izwi raMazvikokota, dare rinoridzwa kuti vanhu vazive kuti zvaipa. Shasha mbiri idzi dzakamuronda dzikati hapana kwaanoenda iye Revai ndokuzozviona kuti hapana kure kwese kwaaienda asati abatwa sezvo mabvi ake akanga orera nekushaya simba.

Chigange ndiye anotanga kusvika pedyo naRevai ndokumutyisidzira achiti arambe akamira ipapo, zvombo zvake azvikande pasi auye kwaari. Anoita saizvozvo Chigange ndokumubvunza kuti ndiyani iye ndokutaura zita rake achiti afa nenzara, ari kutsvaka chokudya.

Varume vose vanosvikomukomba vachibvunza mibvunzo isina akapindura. Panosvika Mazvikokota, anosvikozvipfekenyedza nemukati mevanhu ndokusvikotekesha Revai netsvimbo nechepamusoro peziso izwi raRevai ndokunzwika richiti, “Yowe-e ndofa kani” ndiye zii. Panoti VaMazvokokota vanochimupedzisa, Pondai anovagamha.

Pondai munhu anoda kutanga abvunza musoro wenyaya asati atonga ndokuyambira Mazvikokota kuti angwarire kuita kwake uye aziva sei kuti Revai ane mhosva? VaMazvikokota vachifemeruka vanoti ndiyo mhondi yanga yavauraya yamutevera nekumba kwavo kwese.

Panomuka zhowe zhowe vamwe vachiti Revai ngaauraiwe, vamwe vachiti tangai manzwa musoro wenyaya. Vanozomusimudza nekutembedzana voenda naye kumusha, Chigange uyu otonzwa tsitsi pana Revai. Pondai anowirirana naChigange kuti haaoni mhosva huru pana Revai.

Apo Revai anobepura, anogadzikwa pasi ndokufamba akabatwa mapendekete kuti asatize vasvika padare rashe ndokuti Revai apire ishe vanzwe shoko rake. Revai anondandamira achitaura zita rake nekwaanobva.
Enderero mberi svondo rinouya.

Related Posts

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×