President vakapa makombiyuta 20

PRESIDENT Mugabe
PRESIDENT Mugabe

MUTUNGAMIRIRI wenyika neHurumende, President Mugabe, svondo rapera vakapa makombiyuta 20 kuzvikoro zviviri zvesekondari zviri kuMakoni Central, kuManicaland, pasi pechirongwa chavo chekuwanisa zvikoro makombiyuta echizvino-zvino.

President Mugabe vakapa makombiyuta 10 kuNyarwize Secondary nemamwe 10 kuDumbamwe Secondary kumuzinda wavo weState House, muHarare.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakabva kune mumiriri weMakoni Central mudare reNational Assembly, Cde Patrick Chinamasa, avo vanove zvakare gurukota rinoona nezvemari yenyika.

Zvikoro izvi zvakapihwawo zvimwe zvinhu zvakaita semaprint servers, port switches, multimedia speakers nemaUSB cables.

Mukuru weNyarwize Secondary School, VaCanaan Zvirume nemukuru weDumbamwe Secondary School, VaAluwis Zivanai, ndivo vakagashidzwa makombiyuta aya vakamirira zvikoro zvavo.

Vose vakavimbisa kuti pazvikoro zvavo vachatangwa zvidzidzo zvemakombiyuta gore rinotevera.
Nyarwize Secondary School ine vadzidzisi vapfumbamwe kuchiti Dumbamwe ine 23.

Kanzura veWard 20 kuMakoni Central, Cde Pemina Mawanga, avo vakaperekedza vakuru vezvikoro izvi, vakarumbidza nekutenda President Mugabe nechipo chemakombiyuta ichi.

“Zvikoro zviviri izvi zvanga zvichitadza kuti vana varambe vachidzidza varipo, vasingaende kune zvimwe zvikoro, nekuda kwekushaya zvidzidzo zvemakombiyuta.

“Vabereki vange vachisarudza kuendesa vana vavo kuzvikoro zvemamishinari vasingade kuti vadzidze pazvikoro izvi asi kupihwa kwaitwa makombiyuta aya kuchabatsira vana vange vachifamba nzendo refu kuenda kuzvikoro zvinodzidzwa makombiyuta,” vakadaro.

Cde Mawanga vakati makombiyuta aya achabatsira zvakare mukusimudzira kupasa kwevana muzvidzidzo pazvikoro zviviri izvi.

Vakatendawo Cde Chinamasa nekushanda kwavakaita kuti zvikoro izvi zvipihwe makombiyuta. – The Herald.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×