MAKUNAKUNA! Mukuwasha anodanana naambuya

PANE mukuwasha naambuya vake vekuNorton avo vange “vadziirwa” zvekusvika pakuita makunakuna ayo akasvitsa murume uyu pakufarira amai ava zvekuvatengera zvipfeko zvemukati.

Muroyi akaripiswa mombe 8 nehwai

MUKADZI wekwaZimunya, kwaMutare, achabvisa mombe nomwe dzekuripa kumhuri ine mukadzi waanonzi akauraya nemushonga waakamuisira muchikafu neimwezve mombe nehwai zvekuripa mambo weko.

NDAKADYA VANHU 25

KASIKANA kane makore 16 okuberekwa (kari mumufananidzo uri mudenderedzwa) kakapedza mate mukanwa mevanhu vainge vakaungana padare raMambo Zimunya kwaMutare nemusi weSvondo wadarika apo kakadura kuti muroyi, kane mapere 10 nenyoka…

Vopunduka nemushandirapamwe

VARIMI vakagariswa patsva neHurumende kupurazi reEastdale kwaShe Serima kwaGutu vowana pundutso kuburikidza nemushandirapamwe wekurima zvirimwa zvakasiyana, kupfuya zvipfuyo pamwe chete nehove.

Varimi vonyunyuta nemutengo wechibage

MASANGANO anomirira varimi ari kunyunyuta zvikuru zvichitevera danho rakatorwa nemakambani anogaya hupfu rekutanga kutenga chibage neUS$140 patani kubva paUS$300 achiti kuita kwakadai kunodzosera mabasa ekurima munyika kumashure.

MaWarriors onanga Joni

CHAMANGWIZA wesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association, Jonathan Mashingaidze, anoti chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors icho chichadomwa kuenda kumutambo weCouncil of Southern Africa Football Association (Cosafa) Cup

PSL: SHASHA PAKUKOCHA

Vamwe voti Pasuwa, Rugg naChidzambwa NYANZVI dzinoongorora mutambo wenhabvu svondo rino dzakadoma varairidzi vakaita saCallisto Pasuwa, Charles Muhlauri naJohn Rugg, pakati pevamwe, seavo vanonzi ndivo vakabata basa guru muPremier Soccer…

Vana ngavarangwe muzvikoro: mambo

HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezvedzidzo repuraimari nesekondari, iri kukurudzirwa kuti iongorore zvakare mutemo unoita kuti vana vasarangwe vachiita zvekurohwa muzvikoro sezvo vamwe vana vachinzi vanotora mukana uyu kuita zvehunhubu.

Hwindi ‘akawachiswa’ nemukadzi

Garnet Zvimba HWINDI wekuti akatizwa nemukadzi wake nekuda kwehurombo akaudza dare kuti haakwanise kuriritira mhuri yake sezvo pari zvino zvechihwindi zvisiri kubhadhara.

Zvinoshamisa vanasikana kuve zvikara

IYI nhau yakandisiya ndakaoma mate mukanwa nekuti handainge ndakambonzwa zvakadai. Ndaive ndiri kumba pakati pesvondo apo ndakanzwa zhowe-zhowe kugedhi. Painge pakamira vasikana vaviri mumwe wacho ndiye aidaidzira

×
×