PANE mukuwasha naambuya vake vekuNorton avo vange “vadziirwa” zvekusvika pakuita makunakuna ayo akasvitsa murume uyu pakufarira amai ava zvekuvatengera zvipfeko zvemukati.
Izvi zvakaitika kwaSabhuku Spiwe Moyo, kupurazi rakagariswa vanhu patsva reJinktown, pedyo nemugwagwa unobatanidza Harare neBulawayo.
John Ngorima (60) anova mukuwasha, uye ari muvhangeri kuchechi yekwaMwazha kana kuti African Apostolic Church, anonzi akatanga kudanana naambuya vake, Rebecca Denhere (37), mugore ra2008 zvekusvika pakuita mashura aya.
Rebecca akadanana naNgorima, anova murume watete hanzvadzi yemurume wake, Callisto Manhenhe.
Callisto Manhenhe, tezvara wekutorerwa mukadzi nemukuwasha, anobva kwaGutu, mudzimai wake Rebecca achibvawo kuZaka kuchiti Ngorima ndewe kuBikita.
Mukadzi waNgorima, Juliana Ngorima (44), ihanzvadzi chaiyo yemudumbu rimwe chete naCallisto Manhenhe.
Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Chivero, VaBrown Shopo, mukuwasha uyu akaripiswa mombe sere kuna tezvara vaakatorera mukadzi.
Pamombe idzi, nomwe dzichapihwa kuna Manhenhe imwe chete yoenda kwamambo kunochenura dunhu rakaitirwa makunakuna aya.
Mukuwasha naambuya vake vanonzi vakapinda mudare iri musi weMugovera 25 Kubvumbi vose ndokubvuma mhosva yavo uye vakakumbira ruregerero kuruzhinji rwaivapo, nekuna mambo.
Subhuku Spiwe Moyo (49) vakatsinhira nyaya iyi.
“Kuno kwakaitika mashura chaiwo, John Ngorima ndiye mukuwasha anogara kupuroti nhamba 50 uyo akadanana naambuya vake, Rebecca Denhere, anogara nemurume wake papuroti nhamba 74. Vaviri ava vakabvuma mudare kuti vaidanana,” vakadaro.
Vanoti nyaya iyi yakazofumuka apo mukuwasha naambuya vakawanikidzwa musango nemadzimai emunzvimbo iyi aitsvaga huni zvikaita kuti nyaya yacho isvike kumurume waRebecca.
Rebecca achitaura mudare iri, anoti kudanana kwake nemukuwasha kwakatangira pavaida kukwira makombi panzvimbo yeShowground, muHarare, vachibva kuMasvingo apo vanonzi vakazokwira motokari yepick-up kumashure kunze kwasviba.
“Ambuya ava vachitaura vanoti vari kumashure ikoko, mukuwasha akatanga kuvabata-bata kusvikira vashinha mumotokari ichifamba. Kubva ipapo, vanoti vakazongoramba vozviita dakara kuzobatwa,” vakadaro Sabhuku Moyo.
Rebecca anonzi akaudza dare kuti akatengerwa zvipfeko zvemukati zvake zvina nemukuwasha uye neaini yemarasha.
Zvipfeko zvemukati izvi zvinonzi zvakatengwa nemukuwasha zvakaburitswa mudare ndokuzokandwa muchimbuzi musi wedare uyu asi aini yakachengetwa.
Jinda raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (41), vanoti Ngorima naambuya vake vakatanga kudanana apo vaibva kuMasvingo kunova kumusha kwavo vose.
Rebecca akabvuma kuKwayedza kuti aidanana nemukuwasha wake.
“Ndakaenda kumusha kuZaka murume wangu ndokuti aizonditumira mari yekudzokesa. Akazopa mari kumukuwasha uyo aiuyawo kumusha sezvo tichigara kumwe chete kuMasvingo. Asi haana kusvikondipa mari iyi apo ndakazotsvaga mari kuvabereki vangu.
“Takazodzoka tose nemukuwasha takakwira motokari kubva kuHarare usiku. Akanditanga tiri mungoro yepick-up yatakakwira uye kubva ipapo takazoramba tave kudanana,” akadaro.
Anoti panguva yavakatanga kudanana iyi aiva nepamuviri.
“Ndinofunga kuti ndezvemweya yetsvina chaizvo, nekuti hakuna zvinoshamisa zvandaipihwa nemukuwasha. Anofanirwa kunge aindishandisira mishonga nekuti handimbozvinzwisisa. Akanditengera mabhurugwa 4 neaini chete. Hapana mari yaaimbondipa. Kakawanda taienda kusango kumugodhi usisashande uko,” akadaro Rebecca.
Mukadzi uyu anoti rudo rwake nemukuwasha rwakazonyanya kupfumbira apo murume wake akaenda kuSouth Africa mugore ra2013 kwemwedzi miviri.
“Apa takasara tichiita madiro. Asi chinonetsa ndechekuti mukuwasha uyu haana kumbondipfimba, akangotanga nekundibata gume tave kudanana,” akadaro.
Rebecca anoti dare raMambo Chivero rakavati varambane nemukuwasha uyu uye ndokunzi kusawane anobvakachira mumwe.
“Ini handichada kuramba ndichidanana nemukuwasha, zvakapera. Ndaishaya kuti ndoita sei, ndafurwa nemhepo. Nemurume wangu tiri kutaurirana, akandiregerera. NdiSatani akanga andipinda, rima dema chairo,” akadaro Rebecca.
Anoti pavakabva kuMasvingo nemurume wake vachitsvaga basa, vakasvikosvikira kumba kwemukuwasha uyu uko vakazobva vave kunoita basa rekufudza mombe kumba kwavari kugara pari zvino.
Obvunzwa nezvemombe dzicharipwa nemukuwasha dzichienda kumurume wake kuti hadzizoita mitauro here iye ava kuti ndedzake, Rebecca akati: “Kwete, haangadaro sezvo akatadzira murume wangu.
“Ndinotonzwa mhosva pane zvandakaita. Ndinoda kuti murume wangu andiregerere zvachose, handichazviita.”
Pakashanyirwa nzvimbo iyi, Kwayedza haina kukwanisa kutaura naManhenhe sezvo ainzi akange ashanya asi yakazomuridzira nhare akati haachada mukadzi.
“Ini handichada zvangu mukadzi nekuti ndakarwadziswa. Ndangomirira kupihwa mombe dzangu ndodzosera mukadzi kuvabereki vake kuZaka,” akadaro.
Manhenhe naRebecca vane vana vatatu uye vakaroorana mugore ra2001.
Mwanakomana wemukuwasha uyu, Takudzwa Ngorima (26), anoti nyaya iyi inonyadzisa zvikuru. “Inyaya yandakangonzwawo sezvo ndiri kuchikoro kuUZ. Asi yatishoresa semhuri nekukanganisa hukama hwedu nekumusha kwaamai,” akadaro Takudzwa.
Juliana, anova mudzimai waNgorima, anotiwo nyaya iyi yakamutenderedza musoro ndokutanga kurwara.
“Kudare uku takaenda muroora wangu akataura kuti aidanana nemurume wangu. Ivo vari vaviri ndivo vanoziva chokwadi, handivarambire nekuti murume, murume.
“Hama 6 dzakabva kuMasvingo dzatodzokera nhasi (Chipiri chadarika), vauya kuzonzwa mashura aya, vekwedu nevekumurume wangu. Zvakare takarambidzwa kubvakachirana nehanzvadzi yangu nemuroora, kwatova kuparara kwehukama uku,” akadaro.
Anoti hanzvadzi yake yakambonetsana nemukadzi wayo kusvika pakumboroora mumwe mudzimai.
Juliana anotiwo havasisina kana mombe inoshura mudanga ravo nekudaro haazive kuti mombe sere dzakatemerwa murume wake nedare ramambo dzichabva kupi.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura natezvara akatorerwa mukadzi nemukuwasha uyu sezvo pakashanyirwa dunhu iri akange asipo uye nhare dzake dzaisabatika.
Mambo Chivero vanoti nyaya dzakadai dzinofumura chivanhu nekudaro vanopara mhosva dzerudzi urwu vanofanirwa kurangwa zvakaomarara.



