MUKADZI wekwaZimunya, kwaMutare, achabvisa mombe nomwe dzekuripa kumhuri ine mukadzi waanonzi akauraya nemushonga waakamuisira muchikafu neimwezve mombe nehwai zvekuripa mambo weko.
Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Zimunya nemusi weSvondo wadarika.
Mhosva iyi, iyo yakambenge yavanzwa, yakabuda pachena mushure mekunge mushakabvu amuka ngozi ndokutanga kufurufusha mwanasikana wemudzimai uyu ichida kuripwa.
Ngozi yaJuliet Kondai-Bepete yanetsa ichida kuripwa kwenguva inodarika gore apo mweya wacho uri kuti akauraiwa nemudzimai wemukoma wemurume wake, Dorcas Bepete.
Nemusi weSvondo, dare raMambo Zimunya rakakona Dorcas nemhosva yekuroya ndokumuti aripe ngozi iyi nemombe nomwe, idzo dzichapihwa kumhuri yemushakabvu. Dorcas acharipa imwezve mombe nehwai kuna mambo uye kudzosera $360 yabviswa nevamwe vaange achipomerwa mhosva iyi navo, Mai Nyama naMai Chiripanhura. Vaviri ava vakachenurwa nedare kuti havasi varoyi. Kunyangwe zvazvo Dorcas ari kuramba mhosva, Mambo Zimunya vakati nyaya yakadai haisi yekutanga kupinda mudare ravo.
“Hatichapedza nguva nenyaya yako sezvo zvakabatwa kunzvimbo shanu dzakasiyana dzakaendwa kuti uri muroyi. Wakaisira muti Juliet.
“Kunyangwe ukapikisa mutongo wangu, ndine nzira dzekuona kuti mhosva yatongwa sezvazviri, sezvauchaona,” vakadaro Mambo Zimunya apo Dorcas ainyunyuta achiti haaripe mombe idzi.
Mutongo uyu usati wapihwa, rimwe jinda ramambo rakambenge rafamba naDorcas nevamwe vake nekuda kwenyaya iyi rakashamisa vanhu vaive mudare apo rakati Dorcas akawanikwa aine mushonga wekudzimaidza n’anga, unonzi mugara n’anga.
“Pataive munzira, vaviri vedu takamuona (Dorcas) aine tumapepa tuviri tudiki twairatidza kuti twaiva nezvinhu mukati. Akabva arasa zvaive mukati apo takamubvunza. Zvisinei, patakasvika pan’anga yekutanga akabva anongedza kuti ane mushonga wemugara n’anga ndokuudzwa kuti muti uyu haushande kun’anga dzine simba. Ndiye chete akanangwa kuti muroyi kun’anga mbiri dzatakafamba svondo rapera. N’anga yekutanga yakamuudza zvakare kuti ane bere asi vamwe vaviri vaaipomerwa navo mhosva vakachenurwa,” vakadaro Mai Solo.
Mukuzvidzivirira, Dorcas akaramba mhosva yekuti akaonekwa aine mushonga achiti aida kushandisa twumapepa twaaiva natwo kuzvibatsira musango.
“Handizi muroyi ini, mambo muri kundimanikidzira kubvuma mhosva. Itai sekuda kwenyu,” akadaro Dorcas.
Vamwe vaipomerwa mhosva pamwe chete naDorcas vakati vanoda kuti mazita avo acheneswe kunzvimbo dzavanogara. Mambo Zimunya vakati vane basa rakawanda, nekudaro vanokwanisa kuzoenda kunogara madzimai aya kutanga kwemwedzi waChikumi kuti vavachenura.
Kune uyo ari kunetswa nengozi iyi, Mambo Zimunya vakati anofanirwa kuunzwa kudare ravo kuti agonorapiswa kun’anga.




