Mai Mugabe vasvitsa 50

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Dr Grace Mugabe, vasvitsa makore 50 okuberekwa neChina chino, 23 Chikunguru.

Ngozi yaticha tugu pamwana wechikoro

MWEYA wengozi yemudzidzisi anofungidzirwa kuti akafa mushure mekushandisirwa mishonga yakaipa nevamwe varairidzi pachikoro cheMhakwe Secondary School, kuChimanimani, unonzi uri kubuda pamumwe mwana wechikoro

Musangano wevaroyi . . . Vaitamba bhora nemisoro yevanhu

MURUME wepapurazi reMutute riri kuCentenary, akapata musha wake kwemazuva uye anoti ashaya rugare zvichitevera kuona kwaakaita gurumwandira kana kuti chikwata chevaroyi vanonzi vaiita musangano pamusha pake.

Ndinouraya mbavha: N’anga

‘. . . asi handisi muroyi’ N’ANGA inobva kudunhu reGorongoza, kuMozambique, inoti chiwororo kumbavha sezvo iine mushonga

Amai vangu vairwa: Mosquito

‘Kana baba chaivo vaikwaturwa’ ‘Ndiko kwakabva chipo changu’

DAVID LIVINGSTONE YAKAKUNDA

CHIKORO cheDavid Livingstone Junior School ndicho chakakunda zvimwe zvemupurovhinzi yeHarare mumakwikwi ekunyora rondedzero, eEsay Writing, ayo anotsigirwa nekambani yePostal and Telecommunications Regulatory

Chirwere chemahwanda chotekeshera

CHIRWERE chemahwanda chinonzi chakurumbira zvikuru kuzvipfuyo zvakaita semombe kumatunhu anoti Masvingo, Midlands, Matebeleland South neManicaland uye varimi vari kukurudzirwa kudzivirira zvipfuyo zvavo

Hatidi mhirizhonga kunhabvu: Yogi, Mafu

NZIRA dzose svondo rino dziri kunanga kunhandare yeBabourfields, kuBulawayo, uko kuchasangana Highlanders neDynamos mumutambo unozivikanwa nekuti “The Battle of Zimbabwe” kana kuti “Zimbabwe Derby”.

‘Jeko haritadzisi kubata pamuviri’

TINOPONA Katsande-Chigariro, uyo anozivikanwa munyaya dzemadhirama akaita seStudio 263 pamwe nekuve mushamarari panhepfenyuro, anoti anofara zvikuru kuti ave nepamuviri izvo akange asingatarisire zvichitevera

Bhizimusi rehuku rosimudzirwa

BHIZIMUSI rekupfuya huku muZimbabwe rinotarisirwa kusimukira zvikuru zvichitevera mushandirapamwe wekambani yemuno yeConband Private Limited neSuper Grand Agric Feed yekuSouth Africa wekuwanisa varimi

×
×